Chipangamazano munyaya dzezvemabhizimisi muzvare Geraldine Kasambara avo vanoshanda nekambani ye143 Communications vanoti vechidiki munyika vanofanira kusunga dzisimbe kuti vakwanise kubudirira munyaya dzezvemabhizimisi.
Muzvare Kasambara vanoti ivo pachavo vakatanga kuita mabasa emaoko nekuzvibatsira vachitengesa zvinhu vari kuchikoro kuti vawane chouviri. Vanoti vasikana havafanire kufunga kuti kuwanikwa kana kudadana nevarume vakaroora ndiko kunovapa pundutso muhupenyu.
Muzvare Kasambara vanoti vakuru vepachikoro chepamusoro vakatombovapa mukana wekuvhura tuck shop yekutengesera vamwe vadzidzi zvinhu.
Panyaya yekunyoresa bhizimisi nekuona magwaro ekushanda zviri pamutemo, muzvare Kasambara vakurudzira vechidiki kuti vaende voga kwa Registrar of Companies vonyoresa mabhizimisi avo nemari inosvika madhora makumi maviri nemashanu kwete kubhadhariswa mari inosvika madhora mazana maviri nemakumi mashanu nevamwe vanoda kuda kuzviita vana mazvikokota.
MuZimbabwe vanhu vanosvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana havana mabasa nekuda kwehupfumi hwenyika uho hwaenda kumawere.