Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeSouth Africa Inokurudzirwa Kutsvakira Vapoteri Mari Yekuvabatsira Panguva Yekurwisana neCoronavirus


Human Rights Watch
Human Rights Watch

Sangano rinorwirwa kodzero dzevanhu, re Human Rights Watch, rinoti kana hurumende yeSouth Africa isina mari yekubatsira vapoteri, inofanirwa kukumbira masangano anobatsira vapoteri pasi pose.

Izvi zvinotevera kuziviswa nehurumende kuti yaisa parutivi mari inoita mabhirioni mazana mashanu emaRand yekubatsira vemabhizimisi nevanhu panguva yekurwisana nechirwere checoronavirus.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti pamari yakavimbiswa nehurumende yeSouth Africa yekubatsira mabhimisi nevanhu munyika iyi pamazuva ekurwisana necoronavirus, hapana mari yakanzi ichabatsira vapoteri, avo vavanoti havana kwekutizira kana kwekunotsvaka rubatsiro, vachiti hurumende yeSouth Africa inofanira kukumbiravo rubatsiro kubva kumasangano akasiyana siyana kuti vapoteri vachengetedzwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG