Accessibility links

Breaking News

Nyika Dzakavakidzana Dzokurudzirwa Kushanda Pamwe Chete Mukurwisa Covid-19


Nyika dzakavakidzana dzino kurudzirwa kurwisa Covid-19 dzakabatana

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reHuman Rights Watch, rinoti nyika dzakavakidzana dzinofanirwa kushanda pamwe chete mukurwisa chirwere cheCovid-19 kuitira kuti pasave nekusiyana kwemitemo inofanirwa kunge ichitevedzwa.

Izvi zvinotevera kuvhurwa kwemiganhu yeSouth Africa nedzimwe nyika, panguva iyo Zimbabwe yakawedzera mazuva ekuti vanhu vagare mudzimba ichichira kupararira kweCovid-19.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti nyika dzakavakidzana dzinofanirwa kushanda pamwe chete mukurwisa Covid-19, kwete kuti nyika imwe neimwe iite zvainoda iri yega.

VaMavhinga vanoti kana nyika idzi dzikaita m,ushandira pamwe, zvinoita nyore mukutevedzwa kwemitemo inobata vanhu vanenge vachipinda muimwe nyika.

VaMvhinga vanotiwo vanotarisira kuti Zimbabwe ichabatsira vanhu vari kunetseka nenzara vari mudzimba munguva yekuvharwa kwenyika sezviri kuitwa nedzimwe nyika.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Asi gurukota rezvemagariro akanaka evanhu, VaPaul Mavima, vakazivisa kuti hurumende ichabatsira vanozviitira mabasa emaoko kunyange hazvo vanhu ava vari kuti rubatsiro rwacho rwuri kunonoka kusvika kwavari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG