Accessibility links

Breaking News

Meya veHarare Vanokurudzira Masangano Akazvimirira Kuti Avabatsire Kwete Kungoshora


VaDewa Mavhinga
VaDewa Mavhinga

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reHuman Rights Watch, rinokurudzira hurumende kuti iwanise vanhu munyika mvura yakachena kuti vakwanise kurwisana necoronavirus.

Mugwaro rayo, Human Rights Watch inoti kushaikwa kwemvura yakachena kunogona kupamidzira ngozi yechirwere checoronavirus.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti ongororo yavakaita muZimbabwe uye muHarare nenzvimbo dzakaipoteredza inoratidza kuti kana nyaya yemvura ikasakurumidza kugadziriswa ichakonzera dambudziko guru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi meya weHarare, VaHerbert Gomba, vanoti hapana asingazivi kuti Harare yagara ine dambudziko remvura kubva 1990, vachiti kanzuru yeguta reHarare, pamwe chete nehurumende, vari kuedza kugadzirisa nyaya iyi.

VaGomba vanokurudzira masangano akasiyanasiyana kuti abatsire kugadzirisa zvinhu zvinonetsa pachinhambo chekushora vari kuedza kugadzirisa zvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG