Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Yoronga Kuita Hurukuro neHurumende Pamusoro paVaItai Dzamara


Dewa Mavhinga
Dewa Mavhinga

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reHuman Rights Watch, (HRW), rinoti harisi kuzozorora kusvika murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara, vawanikwa.

VaDzamara vakapambwa masikati machena nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori vehurumende makore mashanu apfuura apo vaigerwa musoro wavo mumusha Glen View, uye kusvika pari zvino, havasi kuzikanwa kwavari.

Mukuru weHRW kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio7 kuti sangano ravo riri pakati pekuita tsvagiridzo yekuti ndezvipi zvingaitwa kuitira kuti kodzero dzevanhu dzisimudzirwe muZimbabwe.

VaMavhinga vanoti sangano ravo richange richiita misangano yepamusoro nesangano reZimbabwe Human Rights Commission, makurukota ehurumende, kusanganisira gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vachitaura pamusoro pekutsakatika kwaVaDzamara.

VaMavhinga vanotiwo vari kutarisira kusanganavo nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG