Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Inoburitsa Gwaro Rinoshora Zvikuru Mhirizhonga Inobata Vabvakure Vari muSouth Africa


Human Rights Watch
Human Rights Watch

Gwaro iri rinoti zvizvarwa zveSouth Africa zviri kupomera vabvakure mhosva yekuvatorera mabasa avo, humbavha, hupfambi nekukonzera kuti hurumende yeSouth Africa ipedzere mari yayo pakuchengeta vabvakure ichisiya zvizvarwa zveSouth Africa zvichitambura.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio7 kuti hurumende yeSouth Africa inofanirwa kuona kuti kupiswa kwedzimba, kupondwa nekushungurudzwa kwevabvakure, zvikuru sei vanotyaira magonyeti, kwamiswa zvachose.

VaMavhinga vanoti sangano ravo rinokurudzira kuti nyika dzakaita seZimbabwe dzigadzirise mamiriro ezvehupfumi, pamwe nekuchengetedza kodzero dzevanhu kuitira kuti zvizvarwa zvenyika zvisapinde muhupoteri mudzimwe nyika.

Gwaro raparurwa neHuman Rights Watch rinenhorowondo yekushungurudzwa, kupondwa, kupisirwa dzimba nekutorerwa magonyeti ekubasa kunoitwa kuvashandi vassiri zvizvarwa zveSouth Africa.

VaMavhunga vati sangano ravo rakatoendesa gwaro iri kuhurumende yeSouth Africa nekuvatungamiri vematunhu eSouth Africa, pamwe chete nekumakanzuru emunyika.

Tatadza kubata munyori mubazi rezvekubudiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, pamwe chete negurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, sezvo vange vasingadairi nharembozha dzavo.

VaMavhinga vati sangano ravo reHuman Rights Watch richaendesa gwaro iri kuhurumende yeSouth Africa, kuUnited Nations, kuSADC ne kuAfrican Union.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG