Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKodzero dzeVanhu muZimbabwe Yotarisirwa Kuzeyiwa kuUnited Nations kuGeneva


United Nations

Nyaya yekodzero dzevanhu muZimbabwe iri kutarisirwa kuzeyiwa nemusi weChitatu svondo inouya nenyika dziri mugungano reUnited Nations pasi pechirongwa cheUniversal Periodic Review chinoitirwa kuGeneva, ku Switzerland.

Mugwaro rayo richange richizeiwa kumusangano uku, Zimbabwe inoti iri mugwara kuzadzikisa kurudziro yayakapiwa muna 2016. Mugwaro iri, iro ratova pamadandemutande, Zimbabwe inoti iri kusimbisa masangano akazvimirira anosimudzira kodzero ari mubumbiro remitemo yenyika akadai seZimbabwe Human Rights Commission, National Peace and Reconciliation commission nemamwewo.

Zimbabwe inotiwo iri kushanda kuona kuti mitemo yenyika yavandudzwa zvinoenderana nebumbiro remitemo yenyika, kuona kuti hakuna vanhu vanotorwa zvine chisimba vachishungurudzwa pamwe nekuti vanhu vari kuwana kodzero yavo yekuungana murunyararo here.

Hurumende inotiwo yashanda mukuona kuti kodzero yekuti munhu ataure pfungwa dzake pamwe nekodzero yevatori venhau dziri kuremekedzwa yakatiwo iri mubishi rekugadzira mutemo unopa mukana wekuumbwa kwekomishini ichabatsiravanenge vashungurudzwa nemapurisa, masoja nevamwewo kuti vawanekwekumhang’ara.

Asi mumwe murwiri wekodzero dzevanhu munyika, Amai Blessing Gorejena, vanoti vanokatyamadzwa nezvirimugwaro rehurumende.

Amai Gorejena vanoti vanotoona sekuti Zimbabwe iri kudzokera shure munyaya dzekodzero vachiti pachinzvimbo chekuona kuti bumbiro remitemo yenyika ratevedzerwa, riri kutovandudzwakutorera vanhu kodzero dzavo, uye vanhu vachiri kunyangariswa munyika.

Amai Gorejena vatiwo kodzero dzekuungana nekuratidzira uye kusununguka kwamatare dziri kutyorwa kunyangwe zviri zvezvimwe zvakakurudzirwa Zimbabwe kuti igadzirise.

Zvisineyi nekuti Amai Gorejena vati Zimbabwe haina zvakanyanya zvayiri kugadzirisa pane zvakataurwa, vati chirongwa cheUniversal Periodic Review ichi chakakosha vachiti zvinopa mukana kuti dzimwe nyika dzibvunzurudze zvekutyorwa kwekodzero munyika zvisingakwanisiki kubvunzwa nevana veZimbabwe.

Murongi wemabasa mumubatanidzwa wemasangano anorwira kodzero munyika, weZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaWilbert Mandinde, avo vakaendesawo gwaro ravo semasangano akazvimiririra, vati zvizhinji zvakavimbiswa neZimbabwe hazvisi kuzadzikiswa.

Asi VaMandinde vatiwo Zimbabwe yakagonawo munyaya dzekusimudzira dzidzo kusanganisira kupa chiga chekuti vanasikana vanenge vaita pamuviri vanogona kodzokera kuzvikoro.

Patafonera gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kuti tibvunze zvakagona Zimbabwe munyaya yekodzero pane zvavakasungirwa nenyika dzepasi rese kuti igadzirise muna 2016 apo Zimbabwe yakaongororwa kechipiri, VaKazembe vati vanga vasiri pabasa kusvika muna Kukadzi uye hapana chavari kuziva nezvenyaya iyi. Asi vati tibate gurukota rezvemutemo VaZiyambi Ziyambi, avo vatatadza kubata panharembozha yavo.

Kana Zimbabwe ikange yaongororwa nemusi weChitatu inotarisirwa kupiwa zvakare kurudziro dzinobatsira mukusimudzira kodzero munyika yozoongororwa zvakare mushure memakore mana.

NYAYA INA RUTENDO MAWERE
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG