Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanyoresa kuVhota Vodarika Mamiriyoni Mashanu neZana reZviuru


Huwandu hwevanhu vanyoresa kuvhota hwakadarika kare hwaitarisirwa neZEC hwemamiriyoni mashanu
Huwandu hwevanhu vanyoresa kuvhota hwakadarika kare hwaitarisirwa neZEC hwemamiriyoni mashanu

Boka reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rinoti huwandu hwevanhu vanyoresa kuvhota kusvika pakupera kwezuva nezuro Svondo Ndira 29 2018, hwakasvika pa 5, 125, 631.

Huwandu uhwu hunosanganisira vanhu vakanyoresa kubva pakaparurwa chirongwa ichi muna Gunyana gore rapera.

Huwandu uhwu ndehwe vanhu vanotarisirwa kunyoresa kuvhota, vanenge vasvitsa makore gumi nemasere ekuberekwa, vari zvizvarwa zveZimbabwe.

Kunyange hazvo vaimbonzi havakwanisi kunyoresa kuvhota, avo vanonzi vane vabereki vekunze kwenyika, vachinzi vanyorese, zvinonzi pachine huwandu hwevanhu vari kudzorwa nekuda kwekusave nezvinodiwa zvakakwana, zvakaita sehumbowo hwepavanogara, kana zvitupa.

Asi ZEC inoti dambudziko iri riri kugadziriswa kuburikidza nedzidziso dziri kupiwa veruzhinji. Boka iri riri kukurudzirawo vanhu kuti vatevere zvinodiwa uye kuti vaunganidze zvinodiwa izvi vasati vaenda kunonyoresa kuvhota.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, Doctor Wangu Mazodze, vanoti kunyange hazvo huwandu uhwu hwakakosha nekuti hwadarika paitarisirwa neZEC, pachine matambudziko ari kusanganikwa nawo nevanhu mumatunhu akasiyanasiyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG