Accessibility links

Breaking News

MISA-Zimbabwe Yorwisa Kuti Mitemo Inoomesera Vatori veNhau Ibviswe


Misa- Zimbabwe
Misa- Zimbabwe

Sangano reMedia Institute for Southern Africa-Zimbabwe, rakwidza chichemo charo kudare remakurukota ehurumende yaVaEmmerson Mnangangwa chekuti mitemo ino mbunyikidza vatapi venhau ibviswe.

Izvi zvinoitika apo veruzhinji vari kutiwo mitemo iyi inofanira kusandurwa sarudzo dza2018 dzisati dzasvika kuitira kuti makambani ezvenhau asave nemativi aanorerekera sezviri kuitika pari zvino.

Mugwaro ravo kuna sachigaro wekomiti yemakurukota inoona nezvekusandurwa kwemitemo, Attorney General, VaPrince Machaya, sachigaro veMISA-Zimbabwe, VaGolden Maunganidze, vanoti chichemo chavo ichi chave nenguya yakareba chisina anotarisa uye vanoti dai hurumende yachigadzirisa nekukasika.

VaMaunganidze vanoti vanoda kuti mutemo weAccess to Information and Protection of Privacy Act (AIPPA) ubviswe, pamwe nekuti zvikamu zveBroadcasting Services Act zvivandudzwe.

Vakafanobata chigaro chemukuru weMISA- Zimbabwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio 7 kuti MISA yakatora danho iri nekuda kwekuti bazi rezvekuburitswa kwemashoko harina zvariri kuita kugadzirisa mitemo iyi.

VaMoyo vanotiwo hapafaniri kupinzwa zvematongerwo enyika munyaya dzekupiwa kwemarezenisi enhepfenyuro dzeterevhizheni kana marhedhiyo vachiti izvi zvinofanira kuitwa nekomiti yakazvimirira isina divi rayakarerekera.

Vanotiwo vakatonyorerawo kuparamende vachitaura zvichemo zvavo pamwe nekuimbira kuti iumbe mitemo inoona kuti vatori venhau vaita basa ravo vakasununguka.

Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaMachaya panyaya iyi.

Izvi zvinoitika apo paine kutsutsumwa kukuru munyika pamusoro pemashandiro emakambani enhau ane chekutia nehurumende akaita seZimbabwe Broadcasting Corporation, iyo inonzi yakarerekera kubato riri kutonga reZanu PF.

Mumwe mugari wemuHarare, VaDenford Garikai, vakaudza komiti yeparamene yezvemutemo kuti masangano enhau anofanira kupa vanhu vese mukana kuti veruzhinji vakwanise kusarudza vatungamiriri vavanoda.

Mumwezve mugari wemuHarare, VaHebert Gomba, vakatiwo pari zvino ZBC ino shanda yakarekera divi rimwechete vachiti izvi hazvina kunaka sezvo iri kambani yehurumende yevanhu vese.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, avo vakamboshandawo ku Daily News, vaudza Studio 7 kuti hurumende yaVaMnangagwa yapihwa chitsvambe chikuru uye nyaya yekuburitswa kwemashoko inofanira kugadziriswa kuti nyika iite sarudzo dzakachena.

Vanoti nyika haigoni kuita sarudzo dzakachena kana vatori venhau vachimbunyikidzwa uye marezenisi achingopihwa vanhu vanotsigira bato rimwe chete.

Doctor Ruhanya vanoti vano bvumirana nevanhu kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka pari zvino munyaya dzekutapwa kwenhau nekuburitswa kwemashoko.

Vanoenderera mberi vachiti zvakakoshawo kuti hurumende ipe marezenisi enhepfenyuro dzematunhu kana kuti Community Radios, kuti vanhu vawane mukana wekutaura nhunha dzavo.

Kunyange hazvo bazi rezvekuburitswa kwemashoko rakabvuma kuti zvimwe zvikamu zvemitemo yeAIPPA ne POSA zvichafambirani nenguva uye zvinopokana nebumbiro remutemo, hapana zvarati raita kusandura mitemo iyi, sezvo isina simba rekushandura mitemo iyi.

VaMnangagwa havasati vadoma munhu achange ari gurukota mubazi rekuburitswa kwemashoko.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG