Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Human Rights Commission Inoti Nhomba yeCovid-19 Haifanire Kuita Zvekumanikidzwa Vanhu


Komisheni inoona nezvekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission (ZHRC) inoti hurumende, makambani nemasangano akasiyana siyana havafaniriri kumanikidza vanhu kubaiwa nhomba yekudziviriri COVID-19, ichiti kuita kuti izvi kutyora kodzero dzevanhu ava.

Mumashoko kuvatori venhau, ZHRC inoti inotambira chose danho rakatorwa nehurumende rekuti vanhu vazvisarudzire kuti vobaiwa here kana kuti kwete nhomba yeCovid-19 asi ikati ino shushikana nekuti pave mamwe makambani akazvimiria neehurumende, ave kurambidza vashandi vasina kubaiwa nhomba kuenda kubasa kana kuvanyima mari dzemihoro.

Komisheni iyi inoti kubaiwa nhomba inzira yekuchetengetedza hutano hwevanhu uye hurumende inofanira kudzidzisa vanhu zvakanakaira nhomba iyi uye hapana anofanira kumanikidzwa kubaiwa nhomba idzi sezvave kuitika pari zvino.

Hurumende pachayo yave kunyima vashandi mubazi rehutano vasina kubaiwa mari dzekubatsirikana uye mamwe makambani akaita seSeedco ne kambani yehurumende yeTelOne ave kurambidza vashandi vasina kubaiwa kuenda kubasa.

Asi ZHRC inoti izvi hazvina kunaka ichiti zvakakosha kuti hurumende nemakambani ese vatevedze gwara reWorld Health Organisation rekuti vanhu havafaniri kumakidzwa kubaiwa nhomba.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Muzvare Lucy Chivasa, vaudza Studio 7 kuti vanobvirama neZHRC.

Muzvare Chivasa vati zvakakosha kuti hurumede inyatsodzidzisa vanhu nezvenhomba sezvo paine mashoko emanyepo ari kutenderera pamadandemutande.

Vati pane manyepo akawanda ari kutaurwa pamusoro penhomba idzi uye panodzidziso yakasimba kuti vasabvume manyepo aya.

Asi gweta rinombomkirira mutungamiri wenyika Vatinomudaishe Chinyoka wenyika VaEmmerson Mnangagwa uye vari nhengo yeZanu-PF vanoti hapana ari kumanikidzwa parizvinio.

Asi pamutemo VaChinyoka vanoti hurumende inokwanisa kuzviita kana zvichichengetedza hutano hwevanhu uye kodzero pane padzinogumira.

Munyori mubazi rezvevashandi vehurumende kana kuti Public Service Commission VaJonathan Wutaunashe vakaudza vanyori vakuru vose mumapazi ehurumende kuti vaone kuti vashandi vabayiwa nhomba vakati vasina havafanire kubvumidzwa kukwira mabhazi emapazi ehurumende.

ZHRC inotiwo inoshushikanawo nekuti nhomba idzi hadzisi kuwanikwa nyore munzvimbo dzose munyika zvikurisei kumaruva uko vanhu vanofamba mitunhu yakareba kuti vanobaiwa.

Komishenoi iyi inoti izvi zvinokanganisa chirongwa chehurumende chekubaya vanhu.

Vamwe vakaita saVaParis Mandara vekwaNhakiwa kuUzumba, kuMashonaland East, vaudza Studio 7 kuti vakazobaiwa mushure mekufamba kwemasvondo maviri vachishaya nhomba.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende pamashoko eZHRC sezvo mutauriri mubazi rezvehutano, VaDonald Mujiri vange vasiiri kudaira nharembozha yavo.

Nyaya yekuti vanhu vangamanikidzwa kubayiwa nhomba iri kunetsawo muAmerica umo mutungamiri wenyika VaJoe Biden vakati vanogona kuzomanikidza vanhu kuti vabayiwe nhomba.

Asi magweta akawanda munyika iyi anoti havanasimba rekuita izvi vachiti matunhu chete ndiwo vanokwanisa kuita izvi pachitariswa mumwe mutongo wakaitwa muna 1905 kuMassachusetts.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG