Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Human Rights Commission Yofara neMamiriro Akaita Zvinhu Musarudzo


Doctor Elasto Mugwadi, Sachigaro veZimbabwe Human Rights Commission.

Sachigaro veZimbabwe Human Rights Commission, Doctor Elasto Mugwadi, vanoti komisheni yavo inofara nemamiriro akaita zvinhu mayererano nesarudzo dzichaitwa nemusi weMuvhuro.

VaMugwadi vanoti kunyange hazvo pange pane zvichemo zvakasvitswa kukomisheni yavo, zvange zviri zvishoma uye vakagadzirisa zvichemo zvizhinji.

Mamwe mapato anopikisa anotaura kuti haasikufara ne Zimbabwe Electoral Commission, kana kuti Zec, pamusoro pemabatiro airikuita gadziriro yesarudzo idzi.

Izvi zvakakonzera kuti mamwe mapato nemasangano akazvimiririra aende kumatare edzimhosva kuti Zec imanikidzwe kuteerera zvichemo zvavo.

“Ndingati zvinhu zvinenge zvakamira zvirinani kana tichienzanisa nemamwe makore apfuura aya,” VaMugwadi vaudza Studio7.

“Kana tichitarira runyararo huripo uye tichitarira kodzero dzevanhu kuti vari kukwanisa here kuungana sezvavanoda uye vanokwanisa here kuita misangano yavo pavanodira uye vanokwanisa here kutaura zvavanoda vasina anovashungurudza. Izvi tiri kuona kuti zviri kuitika.”

Svondo rapera, sangano revadzidzisi rakabudirira kumatare edzimhosva kwarakange raenda richimanikidza Zec kuti ibvumidze vadzidzisi kuvhota kunzvimbo dzavanenge vaendeswa neZec kunovhotesa vanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG