Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Human Rights NGO Forum Yoda Kuti Mutongi Mukuru weMatare VaMalaba Vasungwe neKuzvidza Matare


Chief Justice Luke Malaba
Chief Justice Luke Malaba

Sangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum rakazivisai neChipiri kuti mukuru waro, Doctor Musa Kika,vakasvitsa magwaro echimbichimbi kumatare edzimhosva vachida kuti mutongi mukuru wematare, Chief Justice Luke Malaba, vakandwe mujeri reChikurubi kwemwedzi mitanhatu nemhosva yekuzvidza mutongo wedare repamusoro reHigh Court.

Mutongo weHigh Court wemusi wa 15 Chivabvu uyu wakati VaMalaba vaende pamudyandigere, asi zvinonzi VaMalaba vakadzoka pabasa neMuvhuro svondo rino, kunyange hazvo dare reHigh Court rakapa mutongo waiti kuwedzerwa kwenguva yekuti varambe vari pabasa kwaityora bumbiro remitemo yenyika.

Doctor Kika, avo vaive mumwe wevanhu vanosanganisira sangano remagweta echidiki reYoung Lawyers Association, vakakwanisa kuwana mutongo waimisa kuwedzerwa kwenguva yaVaMalaba, uchiti vaimira kushanda pakati peusiku hwemusi wa 15 Chivabvu.

Mumagwaro avo kudare, Doctor Kika vakati mutongo wekupika jeri uyu unogona kusendekwa parutivi kana chete VaMalaba vakasiya basa.

Vamwe vakakwirirwa dare igurukota rezvemutemo, mutongi wedare Justice Elizabeth Gwaunza pamwe neJudicial Service Commision.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende kanawo raVaMalaba panyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG