Accessibility links

Breaking News

Justice Malaba Vanoparura Kutongwa kweMhosva Mumatare ePamusoro


Justice Luke Malaba outside the Bulawayo High Court on Monday.
Justice Luke Malaba outside the Bulawayo High Court on Monday.

Mutongi mukuru wematare edzimhosva munyika, Justice Luke Malaba, vaparura zviri pamutemo kushanda kwematare edzvimhosva gore rino vachiti Judicial Service Commission iri kutora matanho ekurwisa huwori pamwe nekuvandudza mashandiro ematare edzimhosva kuitira kuti nyaya dzese dzitongwe nekukasika.

Vachitaura muHarare, Justice Malaba vati matare achange achitonga nyaya dzehuori munyika anotarisirwa kuvhurwa muHarare neBulawayo mwedzi mitatau yekutanga kwegore isati yapera, uye achazovhurwawo mune mamwe madhorobha nekufamba kwenguva.

VaMalaba, avo vanovewo sachigaro wekomisheni inoona nezvevatongi nematare edzimhosva, Judicial Service Commission, vazivisa kuti vari kushandura mashandiro ematare ese munyika nechinangwa chekurerutsa mafambisiro pamwe nekuona kuti nyaya dzatongwa nechimbichimbi kuti vanhu vasatore nguva vachienda kumatare.

Vati zvimwe zvavachaita kuona kuti nyaya dzakwidzwa kumatare pachishandiswa michina yechizvinozvino uye magweta kana vanhu vanokwanisa kukwidza nyaya dzavo vachishandisa michina iyi vasina kuenda kumatare.

Vatiwo pasi pehurongwa hutsva uhwu, uhwo huchatanga munguva pfupi inotevera, vafakazi vanenge vave kukwanisa kupa humbowo vasiri mudare uyewo nyaya dzinokwanisa kunzwikwa pachishandiswa michina yemazuva ano mumatare anonzi maVirtual Courts pachirungu.

Vatiwo izvi zvichaitawo kuti vakuru vematare vakwanise kuona kuti nyaya dziri kufamba sei pamwe nekuderedza kana kubvisa nyaya dzehuwori.

VaMalaba vati vanofara nemashandiro akaita vatongi gore rapera uyewo kuti hapana kana mutongi mumwe akarangwa kana kudzingwa basa nanyaya dzehuwori.

VaMalaba vatiwo mukuvandudza mabasa nemashandiro ematare, vari kunzwawo pfungwa dzevamwe vane chekuita nekushanda kwavo vakaita semapurisa, magweta, vachuchusi, vemajeri pamwe vevamwe.

Mutungamiriri wesangano rinomirira magweta munyika, re Law Society of Zimbabwe, VaMisheck Hogwe, vaudza Studio7 kuti zvinofadza kuti veJudicial Service Commission, vari kuedza kushanda nemunhu wese mukuona kuti matare ashanda zvakanaka.

Vatiwo vanotambira basa riri kuitwa neveJudicial Service Commission mukurwisa huwori.

Gweta zvekare vari mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democractic Party, VaTendai Biti, vaudza Studio7 kuti vafara chose neshanduko yakaitika kumatare ayo ave kutungamirwa naVaMalaba vachiti shanduko iyi yakanaka chose uye icharerutsa basa ravo semagweta.

Vati vanyanya kufarira nyaya yekuti pashandiswe michina yechizvinozvino mukuita basa ravo.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC-T zvakare vari gweta, VaNelson Chamisa, vaudza Studio7 kuti vafarira nyaya yekuti matare awanikwe munzvimbo dzese munyika vachiti izvi zvinoita kuti nyaya dzitongwe nekukasika.

VaMalaba vati kunyange hazvo paive nezvimhingamupinyi zvakaita sekushaikwa kwedzimba dzekutongera mhosva, mari dzemihoro dzisingafadze pamwe nekushomeka kwevatongi zvikuru sei kumatare amajisitireti, vatongi vakashanda zvinofadza vakakwanisa kunzwa nyaya dzakwanda chose kudarika dzegore ra2016

Vati semuenzaniso dare repamusoro reHigh rakaderedza huwandu hwenyaya dzainge dzisina kupera kubva pa10 196 muna 2016 kuzvika pa5 303 gore rapfuura.

Vatiwo nyaya dziri kutora nguva yakareba dzisina kunzikwa mumatare epasi nekuti vatongi vematare aya mashoma.

Vati matare amajisitireti anoda vatongi mazana maviri nemakumi mashanu kuti ashande zvakanaka asi pari zvino pane mamejaisitireti zana nemakumi mapfumbamwe nemumwe chete.

VaMalaba vatiwo komisheni yavo yatotanga hurongwa kwekupatsanura matare eConstitutional Court neSupreme Court sezvakatarwa mubumbiro remitemo kuti matare aya anofanira kupatsanurana muna 2020.

Vati pane hurongwa hwekuti dare reSupreme Court richange rave kushandira kwaraive kare pedyo neparamende pachitsvagwa kana kuvaka muzinda waro mutsva.

Pari zvino matare maviri aya anoshanda pamwe chete uye ane vatongi vamwe chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG