Accessibility links

Breaking News

Varwere Voudzwa Kudzokera Kumba neVakuru veChipatara cheParirenyatwa


Des parents remmènent à la maison un patient couché sur une civière, victime d’un accident, sortant de la salle d’urgence à Harare, Zimbabwe, 21 août 2009.
Des parents remmènent à la maison un patient couché sur une civière, victime d’un accident, sortant de la salle d’urgence à Harare, Zimbabwe, 21 août 2009.

Kuramwa mabasa kwavana mukoti vanoshanda muzvipatara zvehurumende kuri kuenderera mberi zvisinei nekutyiotyidzwa kwavakaitwa negurukota rezveutano, VaDavid Parirenyatwa, vachiti vashandi vemuzvipatara ava vadzokere kumabasa panguva iyo nyaya dzavo dzinenge dzichigadziriswa.

Pashanyirwa chipatara chikuru cheParirenyatwa, Studio 7 yawona kutambura kuri kuita veruzhinji sezvo vasiri kurapwa.

Varwere vazhinji vanga vachinzi vadzokere kudzimba dzavo zvisinei nekurwara kwavo uye vamwe vachiudzwa kuti vanotsvaga rubatsiro kuzvipatara zvisiri zvehurumende.

Mu Ward A1 iyo inoshandiswa nevarwere vakamirira kupiwa mibhedha, yanga yakavharwa.

Srudio 7 yaona varwere vanga vachiratidza kuti vachiri kudzimbikana nemuviri vachiburitswa muchipatara ichi sezvo kusina vanamukoti.

Mumwe wevadzoserwa kumba ndiSekuru Wilson Mazhambe avo vanogara kwaMutoko.

VaMazhambe vati vari kushungurudzika zvikuru nekuti pavakambouya kuchipatara cheParirenyatwa vakawana vana chiremba vachiramwa mabasa vakasarapwa, rwendo vawana vanamukoti vasingashandi.

Sekuru Mazhambe, avo vange vatove kuda kubudisa misodzi vaudza Studio7 kuti havana mari yekuenda kuzvipatara zvisiri zvehurumende. Vati kunange hazvo vari kurwadziwa zvakanyanya, vange vave kudzokera kumba kwaMutoko.

VaMazhambe vachema chema kuhurumende kuti dai yapa vashandi vezveutano mari vadzokera kumabasa

Mumwe murwere ada kuzivikanwa nezaita rekuti Amai Matilda vashora zvikuru hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa nekuramwa ramwa mabasa kwevashandi vehurumende. Amai Matilda vati vanoshamiswa kuti hurumemde yaVaMnangagwa iri kuitira zvakanaka vari mumajeri asi ichitadza kuchengetedza varwere.

VaMoses Murenya, avo vadzoserwawo kumba, vati vanoshamiswa kuti kunyange hazvo nyika yakatarisana nesarudzo, hurumende iri kuratidza kuti haina basa neveruzhinji. VaMurenya vati vanorwadziwa zvikuru kuti vauye kuchipatara chehurumende vonzi vanotariswa kune zvimwe zvipatara ivo vasina mari.

Mukuru musangano reZimbabwe Medical Association, VaShingi Bopoto, vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuzvipatara zvehurumende vakati shuviro yavo ndeyekuti hurumende ikurumidze kugadzirisa dambudziko iri kuti hupenyu hwevanhu husaramba huchirasika.

VaBopoto vakurudzirawo Sangano reHealth Services Board kuti richengetedze utano hweveruzhinji nekugadzirisa zvinyunyuto zvevashandi vehutano pasati paramwiwa mabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG