Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvichakaminama Muzvipatara zveHurumende


Vana chiremba vachiratidzira
Vana chiremba vachiratidzira

Apo kudzokera kubasa kwavana chiremba kwange kusati kwaziviswa kune veruzhinji neChina masiakati, vamwe varwere vange vachiburitswa nehama dzavo muchipatara chepaChinhoyi vachinorapirwa kumba sezvo muchipatara ichi manga musina vana chiremba.

Zvinhu zvanga zvasvika pakaoma pachipatara ichi izvo zvange zvave kumanikidza vamwe vanhu kuti vatore hama dzavo vachinodzirapisa kunana chiremba vakazvimirira.

Muzvare Tariro Chinogwenya, avo vanogara na amai vavo mumusha unogara veruzhinji weChikonohono, vaudza Studio7 neChina masikati kuti amai vavo vakadimurwa gumbo nezuro nachiremba wavakatora kubva kuHarare uyo vakabhadhara madhora ekuAmerica mazana mana.

Muzvare Chinogwenya vati amai vavo vakanonokerwa kurapwa sezvo vari murwere weshuga izvo zvakazokonzera kuti vadimurwe gumbo.

Muzvare Chinogwenya vati vakaisa amai vavo muwadhi yakatsaurwa iyo vati inodhura sezvo vari kubhadhara madhora makumi matatu ekuAmerica pazuva.

Mumwe mugari, Amai Cleopatra Tsomondo, vaudza Studio7 kuti vakaburitsa murume wavo muchipatara cheChinhoyi nekuti ainge asingarapwe zvakakwana.

Amai Tsomondo vati mari yavari kubhadhara chiremba akazvimirira nemishonga yakawanda zvikuru.

Mumwe murwere adzoserwa kumba nhasi, VaErick Madzimbamuto, vati vadzoserwa kumba vachinzi pachipatara hapana vanachiremba.

Mumwe murwere anoda kuzivikanwa nezita rekuti Tawanda ati zvave pachena kuti vana mukoti havachashande sezvavanofanirwa kuita.

Mukuru webazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, Dr Wencilus Nyamayaro, vati chipatara chemuChinhoyi chakaremerwa zvakanyanya sezvo varwere vematunhu madiki vachiendeswa pachipatara ichi.

Mukuru wechipatara chemuChinhoyi, Dr Collet Mawire, vatiwo madhokotera anga asati ave pabasa panguva yashanyirwa chipatara ichi neStudio7.

Vanhu vakawanda vari kutarisira kuti vana chiremba vachadzokera pamabasa avo nechimbi chimbi zvichitevera kumiswa kwaitwa kuramwa mabasa uku nesangano ravo reZimbabwe Hospital Doctors Association.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mubati wehomwe muZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Prince Butau, vaudza Studio 7 kuti pachine zvinhu zvakawanda zvichiri kutauriranwa nehurumende sezvo zvichemo zvavo zvizhinji zvisati zvagadziriswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG