Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vanoshandira Hurumende Vonyunyuta neMashandiro Avo


Vanachiremba vari kuda kuti hurumende igadzirise mashandiro avo
Vanachiremba vari kuda kuti hurumende igadzirise mashandiro avo

Sangano rinomirira vanachiremba vemuzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association, rinoti rakapa hurumende mazuva gumi nemana kuti igadzirise zvinyunyuto zvavo maererano nemashandiro avanachiremba, kukundikana kwayo kugadzirisa zvichemo izvi nhengo dzaro dzotora matanho.

Mutungamiri wesangano iri, Doctor Edgar Munatsi, vanoti vakanyorera hurumende gwaro renyunyuto neChishanu chapfuura vachiipra nezvematambudziko akatarisana navanachiremba.

Doctor Munatsi vanoti zvimwe zviri mugwaro ravo iri zvavanoda kuti zvigadziriswe inyaya dzemashandiro avanachiremba vanenge vachangopedza zvidzidzo zvavo avo vanonzi vari kushaya nzvimbo muzvipatara zvehurumende zvekumaruwa, uko vanofanirwa kuenda kunoshandira kana vapedza zvidzidzo zvavo.

Zvimwe zvinyunyuto zvavo zviri panyaya dzemihoro, pamwe nekushaikwa kwezvinodiwa navanachiremba mukushanda kwavo, zvakaita semishonga izvo zviri kunetsa.

Vanoti savanachiremba, vanoshushikana zvikuru vachiona varwere vachitambura asi imo muzvipatara musina mishonga.

Hurumende inonzi haisati yapindura gwaro iri.

Hurukuro naDoctor Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG