Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Mutungamiri we Egypt, VaHosni Mubarak Vanoshaya


VaHosni Mubarak
VaHosni Mubarak

Bazi rehurumende rinoona nezvekubudiswa kwemashoko muEgypt razivisa kuti vaimbova mutungamiri wenyika iyi, VaHosni Mubarak, vashaya nhasi.

Vange vave nemakore makumi mapfumbamwe nerimwe. VaMubarak vakatungamira nyika iyi kwemakore makumi matatu kubva muna 1981 kusvikira vabviswa pachigaro muna 2011 mushure mekunge vanhu varatidzira zvakasimba kwemazuva gumi nemasere.

VaMubarak vakatanga vari mumauto emuchadenga vasati vatungamira mauto aya vachizoita mutevedzeri wegurukota rezvekudzivirirwa kwenyika.

Vakazoitwa mutevedzeri wemutungamiri wenyika iyi, VaAnwar Sadat muna 1975.

Vakazotanga kutungamira nyika muna 1981 mushure mekunge vanopfurikidza mwero vechi Islamist vauraya VaSadat.

Muna 2012 VaMubarak vakatongwa ndokutongerwa kugara mujeri kwehupenyu hwavo hwose mushure mekubatwa nemhosva yekuponda vanhu vairatidzira. asi vakazonzi nedare repamusoro havana mhosva.

Muna 2015 vakabatwazve neimwe mhosva yehuori vakanzi vagare mujeri kwemakore matatu asi vakazosunungurwa muna 2017.

VaMubarak vaidyidzanawo zvakanyanya nevaive mutungamiri weZimbabwe, VaRobert Mugabe, avo vaiwanzoenda neku Egypt munzendo dzavo kumisangano yeUnited Nations ku New York.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vaudza Studio 7 kuti vashoma vachachema VaMubarak nekuti kutonga kwavo kwakange kusiri kwe jekerere uye vakange vachiomesera vanhu zvikuru. Doctor Runhanya vati zvizhinji zvaiitwa naVaMubarak kuvanhu vavo ndizvo zvaiitwavo naVaMugabe muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG