Accessibility links

Breaking News

Vechidiki kuHopley Voyamurika neMabasa


Map Zimbabwe
Map Zimbabwe

Kanzura yeHarare yakabatana nesangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) neInternational Labour Organisation (ILO) vari kuvaka kiriniki muHopley pamwe neYouth Center iyo ichashandiswa nevechidiki mukusimudzira hupenyu hwavo.

Hurongwa hwekuvaka uhwu hwaumba mabasa kuvagari vemunzvimbo iyi vanodarika zana nemakumi mashanu.

Vamwe vagari vekuHopley vati chirongwa ichi chiri kushandura hupenyu hwavo.

Vechidiki vemunzvimbo yeHopley pamwe nemadzimai echidiki ndivo vari kuvaka zvivakwa zvitsva izvi, vachibhadharwa mari.

Mugari wemuHopley, Muzvare Rumbidzai Gwanzura, vanoti vanofara zvikuru sezvo pamusoro pekuwana basa pari zvino, vakawana zvidzidzo zveplumbing izvo zvichavabetsera mukuwana raramo.

Izvi zvatsigirwawo naKudakwashe Josaka uyo atiwo pamusoro pemikana yemabasa, hutano hwavo huchange hwochengetedzeka sezvo vanenge vave nekirinika munharaunda yavo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa munyaya dzekurwisa HIV muUNFPA, Amai Dagmar Hanisch, vanoti vechidiki vazhinji kunzvimbo dzakadai seHopley vanga vasisina tarisiro yehupenyu sezvo kusina mabasa. Amai Hanisch vanoti vakaona zvichibatsira kuti pamusoro pekupa vagari veHopley kirinika neYouth Center, vavapewo mikana yekushanda sezvo munyika mabasa asiri kuwanikwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reInternational Labour Organisation, VaAdolphus Chinomwe, vanoti ILO inobatsira muzvirongwa zvinosimudzira misha inogara veruzhinji.

Mukuru webazi rezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Christopher Chonzi, vanoti kuwana rubatsiro kumasangano akazvimiririra kuri kurerutsa mitoro yekanzuru.

Dr Chonzi vanoti vafadzwa zvikuru kuti pamusoro pekirinika iri kuvakwa iyi, pachange paine nzvimbo yekuti vechidiki vadzidzirewo mabasa emaoko pamwe neimba yekuverengera.

Vanhu vakazvigarisa kunzvimbo yeHopley panguva dzehondo yeminda asi ruzhinji rwevanhu rwakazopinda muHopley mushure mekupazirwa dzimba nehurumende pasi pechirongwa cheOperation Murambatsvina.

Nzvimbo iyi haina zvipatara, migwagwa huye nemvura yakachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG