Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoudzwa Kuti Varerutsire Vadzidzi


VaMnangagwa vachitaura kuvadzidzi paChinhoyi University of Technology.
VaMnangagwa vachitaura kuvadzidzi paChinhoyi University of Technology.

Vadzidzi vepachikoro chikuru cheChinhoyi University of Technology, vaudza mutungamiri wezvikoro zvose zvepamusoro uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vadzose mari yekudzidza inopihwa nehurumende nekuti vadzidzi vakawanda vari kutadza kupedza zvidzidzo zvavo nekuda kwekushaya mari.

Vachitaura apo vanga vachikorokotedza VaMnangagwa nekugadzwa kwavaitwa semukuru wezvikoro zvose zvepamusoro, sachigaro weZINASU paCUT, VaNesbert Tinotenda Bonzo, vakurudzira VaMnangagwa kuti vadzose mari dzaimbopihwa vadzidzi kuti kudzidza kuvarerukire.

VaBonzo vati imwe nyaya iri kunetsa imari iri kubhadharwa nevadzidzi kana vari kuattachment vasiri pachikoro.

Vati mari iyi yakangofanana neinobhadharwa nemwana anenge achidzidza ari pachikoro izvo vati vanofanirwa kuongororo nedonzvo rekuderedza mari iyi nezvikamu makumi mashanu kubva muzana.

VaBonzo vaudzawo VaMnangagwa kuti hurumende yavo itsva inofanirwa kuvaka dzimba dzekudzidzira muzvikoro zvose sezvo dziri shoma zvakanyanya.

Mumwe wevadzidzi apihwa chitupa chedzidzo, VaTalent Chiwaya, vati vane tarisiro yekuwana basa muhurumende itsva.

VaChiwaya vati hurumende itsva inofanirwa kusimbisa nyaya yekugadzira mabasa pane kudarika zvekukurudzira mabhizinisi sezvo zvakatadza kushanda.

Mumwewo mudzidzi apihwa chitupa chedzidzo neChishanu, Muzvare Florence Garande, atiwo ane tarisiro yakakura kuti anowana basa nekuda kwehurumende itsva yavepo.

Vachitaura mukutambira chigaro chekuva mukuru wezvikoro zvepamusoro munyika, VaMnangagwa vati vachataura nenyika dzose pasi rose kuti dzishande pamwe chete kuti nyika ibudirire.

VaMnangagwa vatiwo dzidzo iri kupihwa kuvana inofanirwa kuunza ruzivo runopedza matambudziko anosangana nevanhu zuva nezuva.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG