Zvikoro zvepamusoro soro munyika zvatanga zvidzidzo zvegore rino vadzidzi vange vasina kubhadhara mari vachirambidzwa kudzidza vasati vabhadhara mari yedzidzo.
Sangano rinomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro reZimbabwe National Students Union rashora zviri kuitika muzvikoro izvi richiti hazvienderani nedonzvo rehurumende.
Bato riri kutonga reZanu-PF rakazivisia muna Zvita gore rapfuura pamusangano waro wepagore kuti nyaya yemari yechikoro haifanire kuve dambudziko sezvo hurumende ine chirongwa chekubatsira vadzidzi nemari yechikoro gore rino.
Gurukota redzidzo yepamusoro, VaJonathan Moyo, vakaudza musangano webato ravo uyu bazi ravo rakatoronga nebhanga reReserve Bank of Zimbabwe kuti vana vemuzvikoro zvepamusoro vawane rubatsiro rwemari yechikoro.
Munyori mukuru weZINASU, VaMakomborero Haruzivishe, vanoti zvikoro zvinofanira kutevedza zvakataurwa nehurumende.
Achitaura neStudio 7 mushure mekutenderera muzvikoro zvakaita seBelvedere Teachers College, Seke Teachers pamwe neUniversity of Zimbabwe College of Health Sciences, VaHaruzivishe vati vadzidzi havasi kufara nezviri kuitika izvi.
Ongororo yaitwa neStudio 7 yaratidzawo kuti pamakoreji akaita seBelvedere vadzidzi vange vasina kubhadhara vange vakaungana kumahofisi emukuru wekoreji iyi vachida kukumbira kuti vapihwe mukana wekudzidza vachitsvaka mari yechikoro
Mumwe wevadzidzi ava aramba kudomwa nezita audza Studio 7 kuti aswera akamirira kutaura nemukuru wechikoro ichi asi haana kuwana mukana wacho.
Hatina kukwanisa kutaura nevakuru vakuru vepachikoro ichi kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Mukuru anoona nezvemakoreji, Amai Define Zivanai, vati bazi ravo harinei nenyaya dzemari yechikoro sezvo iri nyaya inobatwa nevakuru vakuru vezvikoro zvepamusoro soro.
Hatina kukwanisa kutaura naVaMoyo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Mumwe mukuru anoshanda pane chimwe chikoro chepamusoro soro muHarare uyo aramba kudomwa nezita audza Studio 7 kuti vari kuedza nzira dzese dzinogona kuti vadzidzi vabhadhare nekuti zvikoro zvavo hazvichawana mari kubva kuhurumende.
Hurumende ine chikwereti chemari inodarika mamiriyoni zana emadhora chayakaita pasi pechirongwa cheCadetship programme.
Chirongwa ichi chakazomiswa sezvo pange pasina tarisiro yekuti hurumende ichawana mari yekuti chirongwa ichi chienderere mberi.
Pane mari yeZimdef iyo inonzi yakashandiswa zvisiri izvo inofanirwa kunge ichibatsira vanoita zvidzidzo zvakakosha zvine humhizha mukati.
VaMoyo mumwe wevanhu vanonzi vakashandisa mari iyi zvisiri pamutemo. Asi VaMoyo vanoti vakashandisa mari inoita mazana mashanu ezviuru zvemadhora mukabatsira bato ravo reZanu PF.