Accessibility links

Breaking News

Dutumupengo Rinopunza Dzimba, Zvikoro kuChipinge South


Vheneka Primary Scool, Ward 27, Chipinge South

Dutumupengo rakaparadza dzimba dzakawanda nezvikoro neChishanu masikati kuChipinge South, mudunhu reManicaland.

Matenga ezvikoro zveVheneka Primary neVheneka Secondary akaparadzwa nemhepo iyi, iyo yakaparadzawo nzvimbo dzeChecheche neChisumbanje.

Mudzviti mudunhu diki reChipinge, VaWilliam Mashava, vati havakwanisi kutaura pamusoro pedutumupengo iri sezvo vasiri kuChipinge pari zvino, asi vati titaure nemutevedzeri wavo, VaChamunorwa Salani, avo vatiwo havasati vanzwa kana paine munhu akakuvadzwa kana kufa.

VaSalani vati vachataura mushure mekunge vasangana nevanhu vakawirwa nedambudziko iri.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, Muzvare Cherriel Dzobo, vanoti zvichatora nguva kugadzirisa denga remba yavo nekuti zvinhu zvave kudhura zvikuru.

“Mhepo iyi yakauya ichivhuvhuta zvakanyanyisa zvekuti imba yedu inedzimba ina yakatorwa marata ese hapana kana chakasara,” Muzvare Dzobo akaudza Studio 7.

Muzvare Dzobo vanoti vanhu vazhinji havachanzwisisi zviri kuitika mudunhu ravo sezvo muvhiki shanu dzapfuura, vanhu vatatu vakarohwa nemheni vakafa, kukazoitikawo kundengendeka kwenyika svondo rapfuura iye zvino kuchibva kwaita dutumupengo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG