Accessibility links

Breaking News

Chikumbiro chaMuzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri Chekubvisa Mari yeChibatiso Chonzwikwa neDare rePamusoro


Joana Mamombe naCecilia Chimbiri

Gweta riri kumirira mumiriri weHarare West mudare reNational Assembly, Muzvare Joanna Mamombe, pamwe nemutevedzeri wasachigaro wevechidiki muMDC Alliance, Muzvare Cecelia Chimbiri, Muzvare Roselyn Hanzi, vanoti dare repamusoro riri kutirisirwa kunzwa zvichemo zvevaviri ava zvekuti vapiwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwa vachibva kudzimba dzavo.

Vaviri ava vari muhusungwa zvichitevera kunyimwa kwavo mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo nedare remajesitireti.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari nhengo yeZanu PF, Doctor Frenk Guni, vanoti hurumende iri kuramba ichisunga madzimai aya asi kusvik pari zvino havasati vawanikwa nematare vaine mhosva pamhosva dzavari kupomerwa.

VaGuni vanoti hurumende inofanirwa kupedza nyaya iyi nekukurumidza.

Doctor Guni vanotiwo sezvo mapurisa ari kugara akamaka Muzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri, vaviri ava vanofanirwa kuita zvinhu zvinoita kuti vasaonekwe sevanhu vanoda kutyora mitemo nguva dzose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG