Accessibility links

Breaking News

Dare reDzimhosva Rinoti VaBiti neVamwe Vavo Vashanu Ngavadzokere muHouse of Assembly


Tendai Biti, the head of the People’s Democratic Party speaking to reporters in Harare, July 14, 2018, has fled to neighboring Zambia seeking asylum.

MDC Alliance inoti kana mitemo ikatevedzwa zvakanaka, hakuna nhengo dzebato ravo dzingadai dzakadzingwa kubva kudare reSenate, reHouse of Assembly pamwe nekumakanzuru.

Vachitaura mushure memutongo wakapiwa nedare reHigh Court nezuro wekuti nhengo dzeMDC Alliance nhanhatu idzo dzaive dzadzingwa muparamende nechimwe chikwata chePeople’s Democratic Party, PDP, mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati nhengo dzavo dzakasarudzwa nevanhu nekudaro pange pasina chikonzero chekuti dzidzingwe.

Mutongi wedare repamusoro, Va Joseph Mafusire, vakati VaTendai Biti, VaSettlement Chikwinya (Mbizo), Va Willias Madzimure (Kambuzuma), VaSichelesile Mahlangu (Pumula),Va Regai Tsunga (Mutasa South) naVa Kucaca Phulu (Nkulumane), vadzokere kuve nhengo dzedare reHouse of Assembly vachiti PDP yakadzinga vatanhatu ava haisiyo yakapinda mumubatanidzwa weMDC Alliance.

Mumwe wevaive vadzingwa ava, VaChikwinya vaudza Studio 7 kuti hakuna chavanonyanya kupemberera pamutongo uyu sezvo kasiri kekutanga mutongo wekuti vadzokere pazvinzvimbo zvavo asi vachivharidzirwa nevanhu vasingadi kuti vamiririre vakavasarudza.

VaChikwinya vatiwo chakavakoshera pari zvino kushanda kuona kuti mutungamiriri wavo, VaNelson Chamisa, vakunda musarudzo dziri kutarisirwa muna 2023.

Mutungamiriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati havanei nemutongo wakapiwa nematare nezuro uyu vachiti havanei nezvinoitika kubato rePDP huye bato ravo ranga risinei nekudzingwa kwevatanhatu ava.

Munyori muPDP inotungamirirwa naAmai Lucia Matibenga, VaBenjamin Rukanda, vanova ivo vakanyora tsamba vakamiririra bato ravo rekudzinga nhengo dzeNational Assembly idzi, vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vaziviswa nemagweta avo zvakabuda mudare nezuro.

Vachibvunzwawo neStudio 7 kuti vachatambira here nhengo idzi, mutauriri wedare reNational Assembly, VaJacob Mudenda, vati vanga vari kuZimbabwe International Trade Fair kuBulawayo huye vachazotaura nezvenyaya iyi kana vaverenga mutongo wakapiwa uyu.

Muna Kubvumbi gore rino mutongi wedare repamusoro, Justice Amy Tsanga, vakapa mutongo wekuti vatanhatu ava vadzokere kudare sezvo kudzingwa kwavo kwainge kusiri pamutemo.

Asi VaRukanda vakabva vaisa chikumbiro mudare reHigh Court chekuti mutongo wa Justice Tsanga usashandiswe.

Mutongo waJustice Mafusire unokomekedza kuti vatanhatu ava vadzokere mudare rehouse of Assembly.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG