Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Vabva Kure Vane Kodzero yeKunyoresa Kuvhota


Vanezvitupa zvakanzi 'alien' vanokwanisa kunyoresa kuvhota.
Vanezvitupa zvakanzi 'alien' vanokwanisa kunyoresa kuvhota.

Dare repamusoro ratura mutongo wekuti vanhu vane vabereki vasiri zvizvarwa zveZimbabwe vane zvitupa zvakanzi Alien vakwanise kunyoresa kuvhota musarudzo dzichaitwa gore rinouya.

Vachitura mutongo wavo panyaya yakakwidzwa kudare naAmai Sarah Kachingwe pamwe neMDCT ne MDC-N, mutongi wedare repamusoro, Amai Nyaradzo Munangati Manongwa, vati vanhu vane zvitupa zvemuZimbabwe vane vabereki vanobva kune dzimwe nyika zvizvarwa zveZimbabwe nokudaro vane kodzero dzekuvhota.

Amai Munangati Manongwa vati vanhu ava, avo vanozivikanwa nezita rekuti maAliens, vanofanira kutakura zvitupa zvavo nemagwaro avo ekuzvarwa pamwe neanoratidza pavanogara kuti vakwanise kunyoresa sevavhoti muchirongwa chekunyoresa kuvhota chiri kuitwa nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission.

Munyori mukuru muMDCT, VaDouglas Mwonzora, vati vafara zvikuru nemutongo waturwa nedare vachiti vatsigiri vavo vazhinji avo vanga vachitadza kunyoresa vachinzi ma aliens vave kukwanisa kuzovhota musarudzo dzegore rinouya.

Mumwe ane chitupa chakanzi alien, VaWilliam Banda, avo vanogara mumusha weMbare muno muHarare, vati vari kufara zvikuru kuti vave kuzokwanisa kuve nechekuita nezvekusarudzwa kwevatungamiriri munyika. VaBanda vati vave kutonokokorodzana nevamwe vavo kuti vanonyoresa sevavhoti.

Zvichakadai, VaMwonzora vanoti vakawiririrana neZanu PF pamusangano wakaitwa neChipiri kuti chirongwa chekunyoresa vanhu kuvhota chipfuudzirwe mberi sezvo chakakanganiswa nekuratidzira kwakaitwa kwakapedzisira kwaita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye chigaro.

Chikamu chechitatu chechirongwa chekunyoresa vanhu sevavhoti chiri kuitwa neZEC chakatarisirwa kupera neChishanu svondo rino komisheni iyi isati yapinda muchikamu chechina.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, vanoti sangano ravo richiri kuda kuti rizeye mutongo uyu dzisati dzatora danho rekuti rinyorese here kana kuti kwete vanhu vari kunzi vane vabereki vabva kure kana kuti ma alien.

Hurukuro NaAmai Rita Makarau
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG