Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yopikisa Mutongo Unoti Haikodzeri Kupihwa Mari neHurumende?


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Dare repamusoro, reHigh Court, nezuro rakapa mutongo wekuti bato reMDCA Alliance, rinotungamirwa naVaNelson Chamisa, harina kodzero yekuti ripihwe mari inopihwa mapato anenge akwikwidza musarudzo akavhoterwa nevanhu vanodarika zvikamu zvishanu kubva muzana, kana kuti 5%.

Mari iyi inenge iri mubhajeti menyika uye inopihwa mapato kuburikidza nemutemo wePolitical Finance Act.

Kunyangwe zvayo MDC Alliance yakakwikwidza musarudzo dza2018, dare iri rinoti MDC Alliance harisi bato asi ringori mubatanidzwa wemapato nekudaro mari inofanira kuenda kuMDC-T.

Dare iri rinoti nyaya yakadai yakatombotongwa kare pakapihwa mutongo wakafanana neiwoyu.

Nyaya iyi yakakwidzwa kudare gore rapera neMDC Alliance uye vakaendeswa kumatare igurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, pamwe negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vachinzi vainge vapa MDC-T mari iyo yakakundwa musarudzo.

Matare aya ari kushorwa nenyika dzakaita seAmerica neEuropean Union achinzi ari kushandiswa nehurumende kuparadza bato rinopikisa.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vanoramba mashoko aya vachiti MDC iri kurwisana pachayo.

Nhengo yeMDC Alliance, VaJacob Mafume, vanoti havasi kutambira mutongo uyu uye bato ravo richaupikisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG