Accessibility links

Breaking News

Hutano Hworamba Huchiwondomoka Apo Vanachiremba Varamba Kudzokera kuMabasa


Chipatara cheParirenyatwa General Hospital chiri muHarare chinonzi chiri kudzora kumba varwere nekuda kwekuramwa mabasa kwavanachiremba.(Columbus Mavhunga/VOA)
Chipatara cheParirenyatwa General Hospital chiri muHarare chinonzi chiri kudzora kumba varwere nekuda kwekuramwa mabasa kwavanachiremba.(Columbus Mavhunga/VOA)

Kurwara munyika kwatove kwevanhu vane mari nokuti zvipatara zvose zvehurumende zvikuru zvemunyika hazvisi kushanda nekuda kwekuramwa mabasa kwavanachiremba, avo vava nemwedzi mitatu vachiratidzira nemhosva yemari yavari kutambira iyo vanoti haina zvaivhatenga.

Mashoko aya akataurwa naAmai Maria Muchirahondo Kaseke vekuMbare, avo vakabviswa chibereko chavo vhiki yapfuura kuchipatara cheParirenyatwa muHarare.

Amai Kaseke vanoti chero zvazvo vakabhadhara mari yakawandisa kuti vawane rubatsiro, mabatirwo avakaitwa navanamukoti vepachipatara ichi akavashungurudza nokuti vaitaura zviripachena kuti vaingoshandawo zvavo asi basa harichavanakidze nokuti hurumende haisi kuvabhadhara mari inoenderana nemashandiro avo.

Amai Kaseke vanoti vakapinda muchipatara cheParirenyatwa nomusi weChina vhiki yakapfuura vakazobuda neMuvhuro vhiki ino, asi magumbeze nemachira zvavaifuga zvakachinjwa kwemazuva maviri chete zvokuti zvakanga zvotonhuhwa tsvina.

Amai Kaseke vanoti vakaudzwa kuti vauye zvakare nemvura yavo nokuti chipatara chaiva chisina mvura zvokuti vakangoshingirira nokuti vaida kurapwa marwadzo eoparesheni yavakaitwa.

Amai Kaseke vanoti vanamukoti vaingopopota kuti vari kushandira pasina, vachiti mari yavanotambira haichatenga sezvaiitika kare, zvokuti pane zuva risina kumbouya vanamukoti ivava kuzovazora mushonga paronda ravo.

Amai Tendekai Musango vekuGreendale vanotiwo kana munhu usina mari hauna hupenyu nokuti kuzvipatara hakuna mapiritsi anopiwa murwere zvokuti zvaiva nani kutogara kumba munhu achinwa makwenzi akasiyana siyana kuti ararame.

Munyori mukuru mubazi rezvehutano, Dr Agnes Mahomva, vaudza Studio 7 parunhare kuti vachaongorora nyaya iyi vachibatsirwa nemumwe chiremba anoona nezvezvipatara zvehurumende, uye havana kuda kuzoendera mberi vachitaura nezvazvo.

Vanachiremba vakatanga kuratidzira musi wa3 Gunyana zvekuti zvipatara zvehurumende zvinoti, Harare Central, Chitungwiza neParirenyatwa muHarare, uyewo kuzvipatara zveMpilo neUnited Bulawayo Hospitals hazvisi kutambira varwere vese vese. Dambudziko iri rakazowedzerwawo nekuramwa mabasa kwavanachiremba vakuru kutanga kwesvondo rino vachinyunyuta nekudzingwa mabasa kwavanachiremba vadiki vari vari pakuramwa mabasa.

Mumwe chiremba asina kuda kudomwa nezita anoshanda kuHarare Hospital ati chipatara chiri kungotambira vane zvirwere zvakaita seshuga, high blood pressure nevaye vanenge vapindana netsaona dzepamigwagwa.

Kuramwa mabasa kwavanachiremba uku kwakonzera kuti varwere vachifamba nzendo dzakareba kuenda kuzvipatara zvemakereke zvakatekeshera nenyika zvokuti zvave kuvhiringidzawo mashandiro ezvipatara izvi nokuti zvakavakirwa kurapa vanhu vashomanani vari munharaunda yezvipatara izvi.

Chipatara cheKaranda Mission Hospital cheku Mount Darwin, Howard Mission Hospital kuChiweshe, neMnene Mission Hospital yekuMberengwa ndezvimwe zvezvipatara zvave kuwandirwa nevanhu zvekuti zvave kukanganisawo mashandiro azvo nekuda kwehuwandu hwevarwere vari kubva kuHarare nemamwe matunhu vachida kuzorapwa. Vazhinji vanoti vanosarudza zvipatara izvi nekuti nguva zhinji zvinenge zviine mishonga nguva zhinji.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG