Accessibility links

Breaking News

Mvura Inoparadza Misha Inodarika Mazana Mashanu kuChipinge nekuChiredzi


Vagari veManicaland vachibatsirwa nezvekudya
Vagari veManicaland vachibatsirwa nezvekudya

Misha inodarika mazana mashanu inonzi yakaparadzwa nemvura yakawanda yakanaya kubva neChishanu chapfuura kusvika neMuvhuro svondo rino mumatunhu eChipinge neChiredzi.

Mukuru wePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vanoti mudunhu reChipinge misha yakaparadzwa munzvimbo dzinosanganisira Checheche neMahenye, uye zvikoro zvakawanda zvinosanganisira Mount Selinda, Green Valley neMapungwana zvakatorwa matenga nemhepo yakanga yakabatana nemvura iyi.

KuChiredzi misha iri Nyangambe mu Ward 23 inonzi yakakanganiswawo nemvura yakanaya zvakanyanya iyi.

VaMadhuku vanoti nekuda kwekuti dunhu reManicaland rarohwa memadutumupengo maviri anoti Cyclone Chalane neTropical Cyclone Eloise munguva pfupi pfupi, pasi paguta mvura zvekuti iri kunaya haichina kwekuenda, izvo zvoita kuti ichiita mafashamu.

Ngatinzweyi vachitaura naJonga Kandemiiri weStudio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG