Imwe nyanzvi mune zvehutano inoti veruzhinji vanoda kuwana ruzivo rwuzere pamusoro pekuti vobaiwa here nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19, vanofanirwa kuwana ruzivo urwu kubva kunyanzvi dzezvehutano, kwete kumunhu wese wese, zvisineyi nekuti mukuru wekereke yavanopinda kana kuti ane chinzvimbo chakadii mukugarisana kwavo.
Izvi zvataurwa nenyanzvi yezvehutano, Dr Simbiso Ranga, avo vari kuNorth Carolina muno muAmerica.
Dr Ranga vanoti nyanzvi munyaya dzezvehutano dzakawanda dzinenge dziine ruzivo rwenhomba dzinenge dzichipinda munyika uye kutiwo nhomba idzi dzkamira sei.
Dr Ranga vanoti vanhu vagara vachibaiwa nhomba kubva kare, uye chinhu chinozivokanwa kuti nhomba yoga yoga ine marwadzo ainogona kukonzera pamunhu nemunhu, saka hazvisi zvitsva zvekuti nhomba ine anganzi muchirungu aftereffects. Ngatinzweyi vachitsanangura.
Facebook Forum