Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reWorld Diabetes Day


Sangano reZimbabwe Diabetes Association of Zimbabwe racherechedzawo zuva reshuga iri
Sangano reZimbabwe Diabetes Association of Zimbabwe racherechedzawo zuva reshuga iri

Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rechirwere cheshuga, reWorld Diabetes Day.

Mutungamiri werimwe remasangano anobatsira vanorwara nechirwere chesuga, reDiabetes Associationof Zimbabwe, Amai Tendai Gutu, vanoti kucherechedza zuva iri, sangano ravo ratora mukana uyu kushambadza nezvechirwere ichi, uye kuongorora vanhu kana vaine chirwere ichi.

Dingindira regore rino, rekuti "Women and Diabetes-our right to a healthy future", rakanangana nehutano hwemadzimai, ayo anonzi naAmai Gutu ndiwo anonyanyobatwa nechirwere ichi.

Chirwere cheshuga chinonzi chimwe chezvirwere zvisingatapuriranwe zviri kunetsa mupasi rose.

MuZimbabwe vanhu vanodarika miriyoni nechidimbu vanonzi vari kurarama nechirwere ichi, uye vamwe vakawanda havasati vavhenekwa kana vainachowo.

Mupasi rose madzimai vanoda kusvika mamiriyoni mazana maviri vanonzi nesangano reInternational Diabetes Association vari kurarama nechirwere cheshuga, huwandu hunotarisirwa kuti huchakwira kusvika pamamiriyoni mazana matatu mugore ra 2040.

Amai Gutu vanoti sangano ravo richaita mhemberero dzegore rino svondo rinouya, apo vachari cherechedza nemitambo takasiyanasiyana pamwe nekuvheneka vanhu pachena.

Hurukuro naAmai Tendai Gutu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG