Accessibility links

Breaking News

Kusashanda Zvakanaka kweZvipatara zveHurumende Kworemedza Zvipatara zveMamisheni


Varwere vakawanda vanonzi vave kuenda kumaruwa kunotsvaga rubatsiro kuzvipatara zvemamisheni.
Varwere vakawanda vanonzi vave kuenda kumaruwa kunotsvaga rubatsiro kuzvipatara zvemamisheni.

Kuramwa mabasa kuri kuita vanachiremba vekuzvipatara zvehurumende munyika kunonzi kwakonzera kuti varwere vafambe nzendo dzakareba dzokuti vanorapwa kuzvipatara zvakasiyana siyana zviri pasi pamamishoni akateshekera nenyika.

Karanda Mission Hospital, iyo iri kuMt Darwin, kuMashonaland Central, chimwe chezvipatara izvi chave kuomerwa nekuwandisa kwevarwere vari kubva kumativi mana enyika vachitsvaga rubatsiro.

Chipatara cheKaranda chinonzi chakavakirwa kuti chibatsire vanhu vari pakati pezviuru zvisere nezviuru zvipfumbamwe zvevanhu vanogara munharaunda yedunhu reMt. Darwin pagore, asi iye zvino chinonzi chave kubatsira vanhu vanodarika makumi maviri ezviuru pagore.

Izvi zvinonzi zvave kuita kuti chipatara ichi chikasike kupererwa nemishonga uye kuwanda kwebasa kwave kukanganisa vanachiremba pamwe navanamukoti, avo vanonzi vave kuti vawandirwa nebasa sezvo vasiri kuwana nguva yekuzorora.

Studio 7 yakashanyira chipatara ichi vhiki yapfuura ikaona varwere vakawanda vaiti vava nemazuva akawanda vakamirira kuzoonekwa navanachiremba zvokuti chipatara ichi chave kupererwa nezvikwanisiro zvinodiwa pakuona varwere zvachinenge chapemhawo kubva kumhiri kwemakungwa.

VaFriday Chimukangara, vanova mukuru wechipatara cheKaranda Mission Hospital, vanoti zvokushandisa pakurapa varwere hazvichakwane zvekuti vamwe vave kurara pasi sezvo mibhedha yakazara nevamwe varwere. Vanotiwo zvakare vanamukoti vave kutofunga zvokunotsvaga mabasa kune zvimwe zvipatara nokuti havasi kuwana zororo rakakwana pabasa ravari kuita pachipatara apa.

VaChimukangara vanoti vanhu vazhinji vanomhanyira kuKaranda Mission Hospital nokuti vanonzwa nezvekubatwa zvakanaka kwevarwere kubva kune vamwe vanenge vakambobatsirwawo pachipatara apa.

VaChimukangara vanoti Karanda Mission Hospital ine vanachiremba vana, navanamukoti makumi mana, avo vave kukurirwa nebasa.

Mbuya nyamukuta, Amai Jacquiline Mudzengi, vanoti madzimai mazhinji ari kuuya kuzosunungukira kuKaranda ari kubva kuHarare zvekuti nzvimbo yemadzimai vane pamuviri ine mibhedha makumi matatu chete kubva muna Gumiguru gore rino yave kuchengeta madzimai anodarika makumi mana.

Amai Emily Muchenje, avo vanoshanda nemadzimai akazvitakura, vanoti pavana mazana maviri vakazvarwa muna Gumiguru, vashanu chete ndivo vakabva munharaunda yedunhu reMt Darwin.

VaTendai Chigumira vanoshandira ku kudivi kunorapwa varwere vasingapiwe mibhedha, kana kuti Outpatients Department, vanoti vanosangana nevarwere vakawandisa vakakuvara mabhonzo nevaye vane hura hwakamonana mudumbu zvinova zvinhu zvinoda kuitwa maoparesheni.

VaChigumira vanoti varwere vakawanda vanofarira kuuya kuKaranda Mission Hospital nokuti vana chiremba vanoedza nepavanokwanisa kuti vaone murwere wese anenge asvika pachipatara apa achidzokera kumusha kwake agutsikana nezvaanenge aitirwa.

Karanda Mission Hospital iri pasi pesangano reZimbabwe Association of Church-Related Hospitals, kana kuti ZACH, iro rine zvipatara zvinodarika zana nemakumi matatu zvarinoshanda nazvo.

Mukuru weZACH, Amai Vuyelwa Chitimbire, vanoti Karanda Mission Hospital inobatsirwa nemadhona ekunze kwenyika zvokuti mishonga nezvikwanisiro zviri pachipatara izvi zvinongoenderana nehuwandu hwevanhu vemunharaunda yedunhu reMt Darwin.

Amai Chitimbire vanoti kuwandisa kwazoita varwere vari kuuya kuzorapwa kuKaranda Hospital kwatovhiringidza mashandiro epachipatara apa nokuti vashandi vari kushaya zororo.

Mumwe wavanachiremba vanoshanda pachipatara apa, Doctor Paul Thistle, vakatsinhira zvose zvakataurwa nevashandi vepachipatara apa, uye vanoti zvinhu zvakaramba zvakadai, chipatara ichi chichazoguma chisisina mishonga yokurapa varwere kana kutoguma chatovharwa.

Doctor Thistle vanoti dai makurukota ese ehurumende amboitawo chirwirangwe sezvakamboitika panguva yakambonetsa chirwere chekorera kuti vabatsirane kurerutsira varwere vari kuuya kuzorapwa paKaranda.

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights kana kuti ZAHDR, rakaburitsa mashoko okushushikana richiti kusakurumidza kuri kuita hurumende kuti ipedze gakava riri pakati pebazi rehutano navanachiremba vari kuratidzira kuchakonzera kufa kwevanhu vakawanda, zvikuru madzimai anenge akazvitakura.

Mukuru weZADHR, VaCalvin Fambirai, vanoti tsvagurudzo yakaitwa neZimbabwe Demographic Health Survey munguva pfupi yapfuura yakaona kuti madzimai akawanda anofa paanenge achisununguka pagore rega-rega.

VaFambirai vanoti vari kukurudzira kutaurirana kwakanaka pakati pezvikwata zviviri izvi nokuti gakava iri rikasagadziriswa nechimbichimbi matambudziko achasangana nevarwere achatokura zvinotyisa izvi zvinozokonzerawo ndufu dzakawanda.

Nyaya ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG