Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzokurudzira Veruzhinji Kugara Vakapatsanurana Munguva yeCovid-19


Munyori weZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, VaNorman Matara
Munyori weZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, VaNorman Matara

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti hurumende inofanirwa kushandisa kurudziro dzenyanzvi painenge ichitara mitemo inobvumidza vanhu kuungana.

Izvi zvinotevera danho rakatorwa nehurumende rekubvumidza vemachechi kuungana vakawanda panguva imwe chete munguva ino yeCOVID-19.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vati hurumende haisi kushandisa tsvakiridzo yakazara pamatanho airi kutora munguva ino yeCovid-19, izvo zvinogona kuisa hutano hwevanhu vakawanda panjodzi.

Dr Madzoreta vati hurumende iri kungotaura huwandu hwevanhu vanofanirwa kuungana isiri kuongorora kuti machechi akasiyana-siyana pakukura kwawo.

Vati hurumende inofanirwa kuudza vemakereke kuti vave vakatarangana pavanenge vaungana vachinamata nezvinwe zvinodzivirira kupararira kweCOVID-19.

Dr Madzorera vati pane machechi madiki zvakanyanya zvekuti vanhu zana vanoshumira vakabatana izvo zvinoita kuti vatapurirane chirwere cheCOVID-19.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Norman Matara, vayambirawo vemakereke kuti kuwedzerwa kwehuwandu hwevanofanirwa kuungana hausi munongedzo wekuti chirwere cheCOVID-19 chapera munyika.

Dr Matara vati vanhu vanofanirwa kuramba vachitora matanho anoita kuti chirwere ichi chisapararira.

Sachigaro veAnglican Council of Zimbabwe, Bishop Ignatious Makumbe, vati danho iri ragamuchirwa nemufaro kunyange hazvo vamwewo vari kutya.

Bishop Makumbe vatiwo izvi zvinorerutsira vafundisi kuti vasaita magungano akawanda pazuva sezvavanga vachiita panga pachibvumidzwa vanhu vasingadariki makumi mashanu.

Munyori musangano reCatholic Bishops Conference, Va Fraderick Chiromba, vatiwo vacharamba vachitevedzera zvinokurudzirwa nevehutano kudzivira nhengo dzavo kubva kuCOVID-19

Vachitaura nevatori venhau nemusi weChipiri mushure medare remakurukota, gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakazivisa kuti hurumende yawedzera huwandu hwevanhu vemakereke vanogona kuungana nguva imwe chete kubva pamakumi mashanu kusvika pazana.

Asi nyanzvi dzehutano dzinoti hurumende inofanirwawo kudzidzisa vanhu ava zvokuita nekusaita pavanenge vakaungana.

Nyanzvi idzi dzinoti chakakosha kugara vanhu vakapatsanurana kuitira kuti vasatapurirane chirwere cheCovid-19, icho chabata vanhu vanodarika mamiriyoni makumi matatu nerimwe pasi rose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG