Zvinhu zvinonzi hazvichina kumira zvakanaka muboka rezvehutano munyika zvichitevera matanho anonzi ave kutorwa nevashandi vezvehutano muhurumende, ekuda kuramwa mabasa.
Vashandi ava vanonzi vari kuda kuti hurumende itarise zvakare mihoro yavo, iyo vanoti haichafambirana nekukwira kwemitengo yezvinhu.
Sangano rinomirira vashandi vezvehutano, reHealth Apex Council, rinonzi rakatopa hurumende mazuva gumi nemana ekuti igadzirise zvinhu, kukundikana kwayo vashandi voramwa mabasa.
Izvi zvinonzi zvaita kuti gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo, vaite musangano wechimbichimbi nehutungamiri hwesangano revashandi iri, kuti vanzwisise nezvezvinyunyuto zvevashandi, uye kuti zvingagadziriswe sei.
Mutauriri wesangano iri, VaPanganai Chivese, vanoti musangano uyu wanga uri wekuchenjedza gurukota rezvehutano nezvezvichemo zvevashandi mubazi rezvehutano.
Vanoti vatorawo mukana uyu kuudza VaMoyo iri kuti mihoro yavo haina chaichatenga, vachiti vakurudzira kuti hurumende itarisise zvakare mihoro yavo sezvo mitengo iri kungokwira asi kihoro yakamira.
Masangano ari pasi peHealth Apex Council ari kutsigira danho rekuramwa mabasa iri anosanganisira ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors’ Association, re Government Therapists’ Association, Zimbabwe Environmental Health Practitioners’ Association, ne Zimbabwe Nurses’ Association.
Varairidzi vari kunyunyutawo vachiti vanoda kuti hurumende ivatambirise mihoro yavo nemari yekuAmerica sezvo vave kuomerwa nehupenyu. Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvehutano, VaMoyo kuti tinzwe divi rehurumende.
Facebook Forum