Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzePabonde Vokurudzira Kuvandudzwa kweMutemo Unobvumidza Kubvisa Pamuviri


Vnorwira kodzero dzepabonde vanoti mutemo unobvumidza kubviswa kwepamuviri unofanirwa kuvandudzwa.
Vnorwira kodzero dzepabonde vanoti mutemo unobvumidza kubviswa kwepamuviri unofanirwa kuvandudzwa.

Vanorwira kodzero dzepabonde vanoti mutemo wekubvisa nhumbu unofanirwa kuvandudzwa kuti ufambirane nenguva pamwe nekuchengetedza hupenyu hwevanasikana nevanhukadzi.

VaSiyendisa Ndlovu vanoshanda nesangano reSayWhat vanoti veruzhinji havana ruzivo nemutemo wekubvisa pamuviri uyu uye vanoti zvakakosha kuti hurumende ishambadze mutemo uyu.

VaNdlovu vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti mutemo uyu uvandudzwe sezvo wakanyorwa kare kare. Vati mutemo unofanira kuvandudzwa uwedzerwewo zvimwe zvingakonzera kuti munhu akazvitakura abvise pamuviri zviri nyore.

VaNdlovu vati zvinhu zvakadai sekurwara nepfungwa, vane denda reHIV kana hurema ndezvimwe zvezvinhu zvingagone kutariswa pakubvisa nhumbu.

VaNdlovu vatsanangurawo vakati mutemo uyu sezvauri hautari zvipatara zvekuti veruzhinji vanogona kuenda kunobviswa nhumbu zviri pamutemo uye vakati hausunguri vana mukoti kana vana chiremba kuti vabvise munhu nhumbu zviri pamutemo.

Muzvare Tendaishe Changamire vanorwira kodzero dzesikarudzi pasi pechirongwa cheRight Here Right Now vatsigirawo kuti mutemo uyu uvandudzwe kuwedzera zvingakonzera kubviswa kwenhumbu.

Muzvare Changamire vanoti tsvakiridzo zhinji dziri kuratidza kuti vanasikana vechidiki vari kurasikirwa nehupenyu vachibvisa nhumbu nenzira dzisiri kwadzo.

Kunyangwe zvavo vechidiki vazhinji vari kutsigira kuti mutemo uyu uvandudzwe mamwe madzimai echikuru anopokana nazvo vachiti mutemo wekubvisa nhumbu haufaniri kuti utendedze zvakanyanya kubviswa kwepamuviri vachiti zvinozopa vechidiki kunyanya kusakoshesa hupenyu.

Mutemo weTermination of Pregnancy Act wakadzikwa nedare reparamende muna 1977 nyika isati yawana kuzvitonga kuzere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG