Accessibility links

Breaking News

Kuramwa Mabasa kwaVanachiremba Kwowedzera Huwandu hweVanhu Vari Kunorapwa kuZvipatara zvekuZambia


Mtendere Mission Hospital, Zambia

Kuramwa mabasa kuri kuita vanachiremba zvave kukonzera varwere kunotsvaga rubatsiro rwekurapwa kuZambia.

Vamwe varwere vave kuenda kunorapwa pachipatara cheMtendere icho chiri muZambia pedyo nemuganhu weZimbabwe neZambia weChirundu.

Kunyange hazvo vamwe vagari vekuKariba neChirundu vachigaroenda kunorapwa pachipatara chikuru chemishoni ichi, rwendo rwuno zvinonzi
vanhu vawanda vari kunorapwa nekuda kwekuramwa mabasa kuri kuitwa nanachiremba pamwe nanamukoti muzvipatara zvose munyika.

Mumwe wevamwe akarwara akanorapwa kuMtendere kuZambia ndiVaErasmus Dzinotyiwei avo vanoti hakushaike mishonga uye hakudhure.

Mumwe mugari wekuKaroi Amai Faustina Gava avo vakasunungukira kuZambia vanoti vanhu vakawanda vave kuenda kuZambia kunorapwa sezvo vachirapwa zvakanaka.

Izvi zvinotsinhirwa nemukuru wepachipatara cheMtendere Sister Sangita avo vanoti zvizvarwa zvekuZimbabwe zviri kurapwa pachipatara ichi.

Sister Sangita vanoti varwere vari kubva kunzvimbo dziri kure seHarare, uye vanoti huwandu hwevanhu vari kurapwa vachibva kuZimbabwe hwakangofanana nevarwere vemuZambia vavanorapa. Vanotiwo zvizvarwa zvemuZimbabwe zviri kuwanikwa mumawadhi ose.

Mukuru webato rinopikisa reAlliance for the People's Agenda, APA, Dr Nkosana Moyo vanoti kuparara kwenyaya dzezvehupfumi ndiko kwadzosera nyaya yezvehutano munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr. Emmanuel Sadza vanoti hazvishamise kuti zvizvarwa zvemunyika zviri kutsvaka kurapwa kuZambia sezvo vakuru-vakuru munyika vachirapwawo kunze kwenyika.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakambonorapwa kuSouth Africa apo vakamborwara vachinzi vakanga vadyiswa muchetura nevanhu vasina kuzivikanwa.

Vaimbove mukuru webato guru rinopikisa reMDC-T, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai vakafira muchipatara chekuSouth Africa vachirapwa.

Vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vanopomerwa nevakawanda mhosva yekusagadzirisa nyaya dzehutano munyika vanogaroenda kuSingapore kunorapwa.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG