Accessibility links

Breaking News

VaObadiah Moyo Vasungwa neZimbabwe Anti Corruption Commission


Zimbabwe's new health minister, Obadiah Moyo, telling reporters cholera that poor water supply, blocked sewers, and a failure to collect waste were making a cholera outbreak in the capital, Sept. 11, 2018.

Gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, vasungwa nekomisheni inoona nezvekurwisa huori, yeZimbabwe Anti Corruption Commission, Zacc, vachipomerwa mhosva yekuita huori pakutengwa kwezvinhu zvekushandisa mukudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mutauriri weZacc, VaJohn Makamure, vati VaMoyo vasungwa zvechokwadi uye vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare neMugovera.

VaMoyo vakachengetedzwa muchitokisi chepaHarare Central Police Station.

Studio7 haiana kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti tinzwe zvizhinji nekusungwa kwaVaMoyo sezvo VaMakamure vasina kuburitsa mashoko akawanda.

VaMoyo igurukota rechipiri muhurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kusukwa vari pabasa neZaac zvichitevera kusungwa Amai Prisca Mupfumira gore rapera vachipomerwa kuita zvehuori.

Kusungwa kwaVaMoyo kunotevera kusungwa svondo rapera kwemumiriri weDrax International muZimbabwe, VaDelish Nguwaya, vachipomerwa mhosva yekukorovhera hurumende pakutengwa kwezvinhu zvekushandisa mukurwisa chirwere cheCovid-19.

VaNguwaya vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso vachuchisi vachiti vanogona kuvhiringidza kuferefetwa kwenyaya dzavari kupomerwa, uye kutiza munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG