Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheMalaria Chauraya Vanhu Vanodarika Zana neMakumi Mashanu muZimbabwe


Mushandi wezvehutano achibaya mwana nhomba yekudzivirira chirwere chemalaria. Malaria inonzi yabaya vanhu vaniodarika zana nemakumi manomwe ezviuru munyika.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vanodarika zana nemakumi manomwe ezviuru vabatwa nechirwere che malaria, kuchitiwo vanosvika zana nemakumi mashanu nevaviri vafa nekuda kwechirwere ichi munyika yose.

Bazi iri rinoti huwandu uhwu hwasangana nenguva inowanzopararira chirwere ichi, zvichiwedzerwawo nedambudziko reCOVID-19 rakabata nyika pari zvino.

Mashoko akaburitswa nebazi rezvehutano iri padandemutande reTwitter neMuvhuro anoratidza kuti zvirwere zviviri izvi zvine zviratidzo zvakafanana, zvekupindwa nechando mumiviri, zvekuti zvinonetsa kuona musiyano wekuti munhu abatwa ne malaria here kana kuti COVID-19.

Matunhu anonzi akanyanya kubatwa nedambudziko iri anoti Manicaland, Masvingo neMashonaland East.

Gore rapera chirwere chinonzi chakabata vanhu vanodarika zana negumi nenomwe rezviuru, uye kuuraya vanhu vanoita zana nemakumi maviri nevanomwe munguva imwechete zvichienzaniswa negore rino.

Nyanzvi munyaya dzekudzivirirwa kwezvirwere, vachidzidzisa paUniversity of North Georgia muno mu America, Professor Davison Saungweme, vanoti hazvishamise kuti chirwere che malaria chiri kukwira munguva ino nekuti chagara chichikwira munguva yekukohwa pamwe nekunaya.

Professor Saungweme vanoti nzira huru yekudzivirira malaria kuparadza nzvimbo dzinogona kuberekerwa mazai nehutunga kana humhutu, uye kuzvidzivirira kubva mukurumwa kuburikidza nekuzvivhara nemabure anodzvirira humhutu panguva yekurara, kana kupfungaidza zvinodzivirira humhutu.

Vanotiwo imwe nzira yekudzivirira chirwere ichi kupfeka mbatya dzinodzivirira muviri vose zvizere.

Hurukuro naMuzvinafundo Davison Saungweme
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG