Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Homwe yeHutano Ichavaremera


VaPatrick Chinamasa

Vanhu vakawanda vari kutambaira zvakasiyana siyana hurongwa hwehurumende hwekuumba homwe yezvehutano, kana kuti Health Fund Levy, iyo ichange ichibva kumitero inobatirwa pamari inoshandiswa kutenga airtime yenharembozha.

Vanhu vakawanda vari kutambaira zvakasiyana siyana hurongwa hwehurumende hwekuumba homwe yezvehutano, kana kuti Health Fund Levy, iyo ichange ichibva kumitero inobatirwa pamari inoshandiswa kutenga airtime yenharembozha.

Izvi zvakaturwa muparamende negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, apo vakazivisa nezvebhajeti regore rinouya.

Vanhu vari kubudisawo pfungwa dzakasiyasiyana vamwe vachiti danho rakatorwa naVaChinamasa idanho rakanaka asi vamwewo vanoti idzi inzira dzeZanu PF dzekutsvaka nzira dzekudya mari dzevanhu.

Vazhinji munyika vari kuchema nenyaya yehuori huye hurumende inopomerwa mhosva yekushandisa mari nenzira dzisina kunaka.

Mumwe wevasingavimbi nehurumende ndiVaObert Masaraure vanotungamirira sangano reRural Teachers Association.

VaMasaraure vanoti vanoona izvi zvisina chekuita nehutano asi iri nzira yebato reZanu PF yekuwana mukana wekuwana mari yekuti idye zvavo.

Izvi zvatsigirwa naMuzvare Lynette Mudehwe mumwe murwiri wekodzero munyaya dzehutano. Muzvare Mudehwe vanoti mari yehutano yanga ichifanirwa kutorwa kuzvicherwa zvenyika.

Mumwe mugari wemuguta reHarare, VaFarai Mabeza, vanoti kunyange hazvo pfungwa yekuvaka homwe yehutano yakanaka, mitero iri kutorwa nehurumende yawandisa zvikuru.

VaMabeza vanoti chinosuwisa ndechekuti mari zhinji dziri kutorwa nehurumende hadzisi kushandiswa nemazvo huye nyaya dzehuori dziri kuitika pasina anorangwa nemitemo.

Munyori musangano re Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Evans Masitara, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo homwe yeHealth Fund Levy yakakosha, mari yakapiwa kubazi rehutano inoratidza kuti bazi iri harikosheswi.

VaMasitara vanoti kuri kuti homwe iyi yazogadzwa, masangano akazvimirira anofanirwa kuvawo ari muboka richazoongorora mashandirwo emari iyi.

Pari zvino vanhu vazhinji munyika havasi pama medical aid huye homwe iyi iri kutarisirwa kuzobatsira veruzhinji.

VaChinamasa vakati homwe iyi ichange yakachengetedzwa huye ichashanda kutenga mapiritsi nemushonga kuzvipatara.

Varwiri vekodzero vave nenguva vachiti vanhu vane zvirwere zvakadai segomarara, BP, neshuga vanofanirwa kurapwa pachena.

Pari zvino chirwere cheHIV/AIDS ndicho chiri kurapwa pachena.

Bazi rezvehutano richapiwa $208million gore rinouya, kubva pa $330million yarakapiwa gore rino. Zvipatara zvizhinji zvehurumende hazvina mishonga kana michina yekushandisa huye vashandi mune zveutano havasi kubhadharwa.

XS
SM
MD
LG