Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeZvehutano dzokurudzira Kuti Vanhu Visimbise Miviri Senzira yekuDzivirira Nayo BP


Nyanzvi dzezvehutano dzinoti munhu anenge akagwinya muviri haakasike kubatwa nezvirwere zvakaita seBP.
Nyanzvi dzezvehutano dzinoti munhu anenge akagwinya muviri haakasike kubatwa nezvirwere zvakaita seBP.

Veruzhinji vari kuyambirwa nenyanzvi munyaya dzehutano kuti vagare vachisimbisa miviri yavo kuburikidza nekuita mitambo pamwe nekusadya chikafu chine munyu wakawandisa kuitira kuti vasabatwe nechirwere che High Blood Pressure, icho chiri kuuraya vanhu vakawanda munyika.

Amai Munashe Mandisodza mudzimai ane muviri mudiki, uye vachigara kuWestlea muHarare.

Amai Mandisodza vane dambudziko rechirwere cheBP, icho chakatora nguva yakareba kuti vazive vanacho sezvo chirwere ichi chisingaratidze kuti chanyuka sezvinoita zvimwe zvirwere.

Mumwe mugari wemuHarare, Va Elliot Mupesi, vanoti munhu akagara kwenguva yakareba vachinwa hwahwa pamwe nekugocha nyama vachidya apo vainwa doro nevamwe vavo.

Izvi zvakaita kuti vapedzisire vava nechirwere cheBP, makumbo avo achigara akazvimba nepamusana pechirwere ichi.

Imwe nyanzvi munyaya dzehutano, Dr Caldwell Munjoma, vanoti ichokwadi kuti kudya munyu wakawandisa, zvimwe zvezvinhu zvinokonzera kuti munhu azoita dambudziko reBP.

Dr Munjoma vanoti vanhu vanoputa fodya pamwe nekunwa doro zvakapfurikidza, ndivo vamwe vevanhu vanobatwa nechirwere cheBP. Vanoti kuputa fodya kuvhiringidza kuzwa munyu izvo zvinozoita kuti vawanze munyu muchikafu chavanodya.

Dr Munjoma vanoti vamwe vanhu vanobata chirwere kubva mudzinza ravo, sezvo vachiberekwa vaine ma genes ane chirwere ichi.

Dr Munjoma vanoti tsvakurudzo yakaitwa nenyanzvi dzehutano kuAmerica, inoratidzawo kuti BP inonyanya kubata vanhu vatema kudarika vachena.

Dr Munjoma vanoti sezvo vanhu vatema vakaonekwa kuti ndivo vanonyanya kubatwa wechirwere ichi, vakazodya chikafu chisina utano, zvinobva zvanyanya kuvhiringidza hutano hwavo.

Dr Munjoma vanoti chirwere cheBP chinonyanyawo kubata zvakare vanhu vane muviri yakakurisa inonzi pachirungu obesity, vasingatwasanudze mitezo yavo kuburikidza nekufamba, kumhanya nekuita mitambo.

Ongororo yakaitwa nesangano reAmerican Heart Association inoratidza kuti BP ndiyo chimwe chezvirwere zvinokonzera kuoma kwemitezo, kana kuti stroke.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvehutano, Dr Obediah Moyo, pamwe nemunyori mubazi ravo, Dr Agnes Mahohva, sezvo vaviri ava vakange vasiri kudaira mbozhanhare dzavo.

Asi ongororo yakaitwa neUniversity of Zimbabwe inoratidza kuti vanhu zvikamu makumi maviri nezvinomwe kubva muzana, vanorarama nechirwere che High Blood Pressure.

Nyaya ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG