Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzezveHutano Dzokurudzira Vanhu Kuzvidzivirira Kana Vachiita zvepaBonde


Vanoita zvepabonde vari kukurudzirwa kuzvidzivirira nguva dzose kubva kuzvirwere zvepabonde, uye kuti vakasike kurapwa kana vakafunga kuti vave nechirwere.
Vanoita zvepabonde vari kukurudzirwa kuzvidzivirira nguva dzose kubva kuzvirwere zvepabonde, uye kuti vakasike kurapwa kana vakafunga kuti vave nechirwere.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti veruzhinji vanofanirwa kuita zvepabonde vakazvidzivirira kuitira kuti vasabatwe nezvirwere zvepabonde, kana kuti Sexually Transmitted Diseases.

Nyanzvi munyaya dzehutano, Dr Josephat Chiripanyanga, vanoti pane zvirwere zvakawanda zvepabonde zviri kuvhiringa vanhu vakawanda hutano hwavo. Vanoti zvirwere izvi zvinouya nenzira dzakasiyana siyana.

Dr Chiripanyanga vanoti chirwere chegonoriya chave nehukasha hunonetsa kurapa mazuva ano.

Dr Chiripanyanga vanoti kune chirwere chepabonde chinonzi chancroid. Chirwere ichi chinoita kunge kachigamba kakasonwa kumativi.

Dr Chiripanyanga vanoti vanenge vaona kuti vane chirwere ichi, vanofanirwa kuenda kunoona vana chiremba kuitira kuti varapwe nekukurumidza.

Dr Chiripanyanga vanoti munhu akaona akuita mhopo kunhengo yesikarudzi, zvinoreva kuti munhu anenge ava nechirwere chepabonde, nokudaro anofanirwa kuenda kuchipatara onoona vana chiremba kuti arapwe.

Chiremba ava vanoti kana vanhu vachiita zvepabonde vanofanirwa kuzvidzivirira kuitira kuti vasabatwe nezvirwere zvepabonde.

Vanotiwo vanosangana nevanhu vaviri, kana vatatu, pazuva, vanenge vaine zvirwere zvepabonde. Dr Chiripanyanga vanoti vanhu vanofanirwa kushandisa makondomu senzira yekudzivirira zvirwere izvi.

Dr Chiripanyanga, avo vanoshanda paChinhoyi Medical Mall, vanoti kana munhu achinge abatwa nezvirwere zvepabonde, anofanirwa kuona vana chiremba nekukurumidza kuitira kuti abatsirwe chirwere chisati chakomba.

Mumwe mudzimai anogara kuWestgate, Amai Tracy Mhangami, vanoti zvirwere zvepabonde zviri kuvhiringa hutano hwevanhukadzi vakawanda.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti kana vanhu vachinge vatapurirana chirwere chepabonde, vanofanirwa kuenda vose kunoona chiremba, vorapwa pamwe chete.

Ongororo yakaitwa nesangano reAVERT richishanda neUnited Nations muna 2017 yakaburitsa kuti munyika mune vanhu vanosvika miriyoni imwe chete nemazana matatu ezviuru vane HIV, uye zviuru mazana manomwe nemakumi mana, vari vanhukadzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG