Accessibility links

Breaking News

Vanoshaya Mbereko Vobatsirwa muZimbabwe neNzira dzeChizvinozvino


Chembere mbiri dzekuIndia, VaMohinder Singh Gill, 79, nemudzimai wavo Amai Daljinder Kaur, 70, vaine mwanakomana wavo akazvarwa pachishandiswa nzira dzeIVF muna 2016.
Chembere mbiri dzekuIndia, VaMohinder Singh Gill, 79, nemudzimai wavo Amai Daljinder Kaur, 70, vaine mwanakomana wavo akazvarwa pachishandiswa nzira dzeIVF muna 2016.

Zvinorwadza kana kushungurudza mhuri ikashaiwa mbereko nokuti pachivanhu, ndiyo nzira chete, inoita kuti mudzi wedzinza uenderere mberi, kubudikidza nevana vanenge vachiberekwa kana kuzvarwa.

Asi nekuda kweruzivo rwechizvino zvino dambudziko iri rave kugadzirisika kunyangwe nemuZimbabwe.

Mumwe mudzimai akasangana nedambudziko rekutadza kuita mbereko, Amai Sencia Maponga vanoti kana usina mwana, hama nevanhu vemunharaunda vanokuona semunhu asina basa kana chiremerera.

Asi matambudziko akadai anenge ave kupera kune vamwe munyika sezvo munyika makaparurwa kirinika inobatsira vanonetseka nembereko paMelbourne Maternity and IVF Clinic iri mumusha weBelvedere. Izvi zviri kuitwa kuburikidza nechirongwa chokuuchika vana chinonzi invitro fertilisation kana kuti IVF.

Kiriniki iyi inoti IVF yakapa kuti vanhukadzi makumi matanhatu nevashanu avo vakange vaane makore akawanda vachishaya mbereko, vakwanise kutakura pamuviri.

Nyanzvi munyaya dzekuuchika vana nenzira yeIVF, Dr Tinovimba Mhlanga vanoti hapana munhu asingakwanise kuita mwana nokuti pane nzira dzinogona kushandiswa kugadzirisa dambudziko iri.

Dr Mhlanga vanotsanangura zvavanoita kana vachiuchika vana nenzira yeIVF iyo yakaparurwa munyika makore maviri apfuura.

Chiremba ava vanoti munhu akasaita mwana nedzimwe nguva hazvireve kuti haazvare zvachose, asi kuti anenge aine dambudziko rembereko iro rinokwanisa kugadziriswa.

Dr Mhlanga vakaendera mberi vachiti munhu wese, kusanganisira vanorarama nehutachiwana hweHIV, vanokwanisawo kupinda mune chimwe chikamu chekuuchika vana chinonzi intra uterine insemination, kana kuti IUI, votobereka vana vasina hutachiwana uhwu.

Nyaya ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio 7 yakataura nevagari vemunharaunda yeHarare vhiki rapera avo vanoti kushaya mbereko idambudziko guru iro raparadza michato zvokuti kunyangwe hazvo mhuri idzi dziine ruzivo rwezvekuuchikwa kwevana nenzira yeIVF, vazhinji vacho havakwanise kupinda muchirongwa ichi nokuti chinodhura.

Dr Mhlanga vanotenda kuti chirongwa cheIVF chinodhura zvakanyanyisa zvokuti panodiwa zviuru zvakati kuti zvemadhora ekuAmerica.

Dr Mhanga vanoti vakasundwa kutangisa chirongwa chemakiriniki okuuchika vana mushure mokunge vaona kuti mbereko munyika raiva rashungurudza mhuri dzakawandisa.

Nyanzvi munyaya dzezvembereko uye vachishanda mubazi rezvehutano, Dr Robert Madzima, vakatsinhira zvakataurwa naDr Mhlanga vachiti kushaya mbereko mudzimba rave dambudziko guru riri kusangana nevanhu vakawanda munyika.

Dr Madzima vanoti bazi ravo harina chirongwa chekuongorora vanhu kuti vanokwanisa here kuita mbereko muzvipatara zvaro, izvo zvinoita kuti pasave nezvinyorwa zvinoratidza kuti vanhu vangani vane dambudziko irori sezvo donzvo rebazi rehutano raiva rakanyanya kunangana nechirongwa chekuronga mhuri chete.

Vanotiwo havasi vakadzi chete vanotadza kuita mbereko asi kuti varume vanokwanisawo kuita dambudziko iri zvakanyanya, asi vazhinji vavo havadi kubuda pachena vachipomera madzimai mhosva yekusaita mbereko. Vana chiremba vanokurudzira kuti murume nemukadzi vaende vose kunoongororwa navanachiremba.

Asi imwe ongororo yakaitwa neKarolinska Instiute kuSweden inoratidza kuti pane mukana wakakura wekuti vana vanoberekwa neIVF vanogona kufa vasati vasvika gore zvichienzaniswa nevanozvarwa nenzira kwadzo.

Asi muAmerica mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika yeAmerica Amai Michele Obama vakanyora munganonyorwa yehupenyu hwavo inonzi “Becoming” kuti ivo naVaBarack Obama vakashandisa nzira yeIVF kuita vana vavo vaviri, Sasha naMalia.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG