Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi yeHutano Yoyambira Kuti Covid-19 Inogona Kukwira muMwedzi yeZororo apo Vakawanda Vachadzoka muNyika


VaItai Rusike, vanove mukuru wesangano rehutano reCommunity Working Group on Health. (Columbus Mavhunga/VOA)
VaItai Rusike, vanove mukuru wesangano rehutano reCommunity Working Group on Health. (Columbus Mavhunga/VOA)

Bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti munhu mumwe chete akafa neCovid-19, vamwe gumi vakawanikwa vaine denda iri pavanhu zviuru zviviri nemazana matanhatu nemakumi matanhatu, kana kuti 2,660 vakavhenekwa.

Huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 hwakasvika pazviuru zvina nemazana matanhatu ane makumi mapfumbamwe nevanomwe, kana kuti 4, 697.

Vanhu vakanga vabaiwa nhomba yekutanga kusvika neSvondo vakanga vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana mana nemakumi matanhatu nezvisere zvine mazana matatu nemakumi mana nevana, kana kuti 3, 468 344.

Vakanga vabaiwa nhomba yepiri vakasvikawo pamamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nezvitanhatu nemazana mashanu negumi nevatanhatu, kana kuti 2, 696 516.

NeMugovera vanhu makumi matatu nevashanu vakawanikwa vaine Covid-19, gumi nevatatu vavo vari vanhu vakadzoka munyika kubva kuSouth Africa, vamwe gumi nevana vari vana vechikoro.

Nyanzvi mune zvehutano uye vari mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti nyika inogona kuona huwandu hwevanhu vachange vachiwanikwa vaine denda reCovid-19 huchikwira mumwedzi uno waMbudzi neunouya waZvita sezvo vanhu vakawanda vari kunze kwenyika vachange vachidzoka munyika kuzororo reKisimusi negoredzva.

VaRusike vanotiwo hurumende inofanirwa kukasika kutora matanho akasimba mukumisa kupararira kwedenda iri muzvikoro, sezvo vana vechikoro vari kuramba vachiwanikwa vaine Covid-19.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG