Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Yave neZvinodiwa paMuchina Unovheneka Hutachiwana hweCoronavirus


Mushandu wezvehutano achivheneka mushanyi kuti aone kana aive aive nehutachiwana hwecoronavirus.
Mushandu wezvehutano achivheneka mushanyi kuti aone kana aive aive nehutachiwana hwecoronavirus.

Hurumende inoti yave nezvinodiwa zvakakwana (Reagents) zvekushandisa pamuchina wekuongorora chirwere cheCoronavirus, izvo zvichaita kuti vanenge vaongororwa vakurumidze kuzivikanwa kana vane chirwere ichi.

Muchina uyu wagara uri kuSally Mugabe Hospital, iyo yainzi Harare Central hospital, asi uchishandiswa kuongorora zvimwe zvirwere. Asi hurumende inoti yatenga zvimwe zvikwanisiro kana kuti maReagents muChirungu kuti pamusoro pekuongorora zvimwe zvirwere, muchina uyu uongororewo Coronavirus.

Vachitaura mushure mekunoongorora muchina uyu kuchipatara cheSally Mugabe muHarare pamwe nekuongorora chipatara cheWilkins, icho chichange chichirapirwa chirwere cheCoronavirus kana chakanga chaonekwa kuti chapinda muno, gurukota rezveutano Doctor Obadiah Moyo vanoti gadziriro yeZimbabwe kudzivirira chirwere ichi yave padanho repamusorosoro.

Doctor Moyo vanoti nekuwana zvekushandisa izvi, ongororo yevanenge vachifungidzirwa kuti vangangove nechirwere ichi inobuda muzuva rimwe chete. Vanotiwo izvi zvinovapa kugadzikana sezvo dzimwe nyika mudunhu reAfrica dzakadai seBotswana dziri kutumira zvinoda kuongororwa kunyika yeSouth Africa.

Vanotiwo hurumende iri mushishi mukutsvaga zvekushandisa kuti ongororo ibude mumaminitsi gumi nemashanu chete, vachiti zvakange zvauya zvichaendeswa kumiganhu yenyika kuti zvishandiswe ikoko.

Doctor Moyo vanotiwo vagutsikana nechipatara cheWilkins, icho chinorapa zvirwere zvinotapuriranwa, chakatarwa kuti muHarare ndicho chipatara chichange chichiendeswa vanofungidzirwa kana vanowanikwa vaine chirwere cheCoronavirus.

Doctor Moyo vanoti vagutsikanawo negadziriro yaitwa pachipatara apa zvekuti pachipatara ichi ndipo pachange pachidzidziswa vamwe vezveutano kubva kuzvipatara zvakasiyana-siyana munyika.

Mukuru anoona nezveutano mukanzuru yeguta reHarare, Doctor Prosper Chonzi, vanoti vagadzirira kurapa chirwere cheCoronavirus ichi, asi vanoti vachange vachibatsirwa nehurumende pamwe nemamwe masangano akazvimiririra.

Doctor Chonzi vanoti varwere vane zvirwere zvimwe zvinotapuriranwa vari kubetserwa kuchipatara cheBeatrice Infectious Disease, uye vanga vasina vanhu vane mibhedha vanga vachigara pachipatara ichi.

Vanotiwo chipatara cheWilkins chinogona kubatsira vanhu vanosvika zana pazvivakwa zvavanazvo, asiwo vanoti kuri kuti dambudziko iri rasvika muguta, vanogona kuisa matendi kuti vawedzere huwandu hwevanhu vanobatsira.

VaMoyo vatiwo vanhu vanodarika mazana mashanu, avo vakabva kunyika yeChina pamwe nedzimwe nyika dzakatapurirwa chirwere ichi vachiri kuongororwa. Chirwere cheCoronavirus chakatanga kuChina gore rapera uye nyika dzinosanganisira America, Thailand, South Korea nedzimwewo dzave nacho.

Chirwere ichi chinonzi chauraya vanhu vanodarika mazana mapfumbamwe pamwe nekubata vanodarika zviuru makumi mana muChina.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG