Accessibility links

Breaking News

Sangano reFree To Smile Foundation rekuAmerica Robatsira Vana Vakatsemuka Muromo Pachena


Mumwe wevana chiremba varikushanda muchirongwa ichi Dr Jennifer Mora
Mumwe wevana chiremba varikushanda muchirongwa ichi Dr Jennifer Mora

Sangano rekuAmerica reFree To Smile Foundation riri munyika umo riri kubatsira vana vakatsemuka muromo kuMpilo Central Hospital kwevhiki rose.

Sangano iri rinoti kurapwa kwevana nevamwewo kuchange kuri pachena uye vamwe vasina kunyoresa vanokwanisa kuenda vonowana rubatsiro.

Cleft-Andiswa Nyoni.
Cleft-Andiswa Nyoni.

Mumwe weavo vari kushanda nesangano iri Va John Mapondera vanoti dambudziko rekutsemuka kwevana pamuromo ririmo munyika uye vazhinji havazivi kuti kune rubatsiro rwavanokwanisa kuwana pachena.

“Dambudziko iri rinonyanya kuwanikwa panozvarwa vana. Vatiwo panosununguka madzimai vanobva vaziva kuti mwana ane dambudziko iri asi vazhinji havazivi kuti kune rubatsiro rwavanokwanisa kuwana,” Va Mapondera vaudza Studio 7.

Madzimai mazhinji akakwanisa kuenda kuchirongwa ichi nemusi weMuvhuro vakaudza Studio 7 kuti vakafara nerubatsiro rwavakawana uye vari kukurudzira vamwe vabereki vane vana vane dambudziko iri kuti vaende kunobatsirwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG