Accessibility links

Breaking News

Vanamazvikokota Votarisa Pachena Vane Dambudziko reMwoyo kuChinhoyi


FILE - Vanachiremba vachirapa mumwe murwere wemwoyo.
FILE - Vanachiremba vachirapa mumwe murwere wemwoyo.

Vamwe vanhu vari kurwara nezvirwere zvemoyo vari kufarira chirongwa chekuvhenekwa pasina muripo navana mazvikokota vezvirwere zvemoyo avo vari kubatsira varwere ava pachipatara chikuru chemuChinhoyi.

Vanhu vakawanda vari kufara nechirongwa ichi, icho china chiremba vatatu vanobva ku Italy. Vana chiremba ava vari kutarisa zvikonzero zviri kuita kuti vanhu varware nemoyo vachivaendesa kunana chiremba vepamusoro soro kuti vanorapwa mushure mekuvhenekwa dzambudziko rinenge riripo.

Mumwe wevatariswa nana chiremba ava, ndiVaPeter Phiri avo vabva kuMasvingo. VaPhiri
vanoti vanzi moyo wavo unotoda kuvhiyiwa kunze kwenyika sezvo pasina vanachiremba vanogona kuvhiya nekugadzirisa mavharuvhu ari pamoyo pavo ayo anonzi akakanganisika.

VaPhiri vanoti vanzi nyika iri pedyo inokwanisa kuvhiya moyo pasina dambudziko iSouth Africa kana kuenda kuIndia kana kuItaly.

VaPhiri vanoti iye zvino zvave nani nekuti vave kuziva zviri kudikanwa.

Mumwe avhenekwa akawanikwa moyo wake uzere mvura ndiVaCainos Beremauro avo vanzi vaende kuchipatara chikuru chemuHarare cheParirenyatwa kuti vanobviswa mvura yakawandisa mumoyo.

VaBeremauro vanoti chirongwa chekutarisa moyo chiri kuyamura sezvo kuvhenekwa kwavayamura kuti vazive dambudziko ravanaro.

Vanhu vari kurapwa vari kuita mutsetse wakakura paimba yekuvhekwa havasi kufara nevashandi vepachipatara ichi avo vari kupinza hama dzavo mberi idzo dzinenge dzanonoka kubva kumba.

Mumwe murwere anonetsekana nemoyo asina kuda kudomwa nezita anoti huori haupere munyika sezvo hwatekeshera nemuzvipatara.

Chirongwa chekuvheneka varwere vemoyo chatanga neMuvhuro uye chichapera neChishanu svondo rino.

Mukuru wepachipara chikuru chemuChinhoyi, Supt Collet Mawire, vanoti vari kutarisira kuvhenekwa vanhu vanosvika makumi maviri pazuva vachibatsirwa nana chiremba vatatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG