Accessibility links

Breaking News

Vakuru veMakereke Vanoda Kuziva Kuti Sei Pasina Ati Asungwa Mukufa kwaMemory Machaya


Reverend Dr Kenneth Mtata
Reverend Dr Kenneth Mtata

Sangano revakuru vemakereke, reZimbabwe Heads of Christian Denominations (ZHOCD), rinoti harisi kunzwisisa kuti sei pasina ati asungwa pamusoro pekufa kwemwanasikana, Memory Machaya, mushure memazuva mana mapurisa aziva nezvenyaya iyi, uye kuzivawo mazita evanhu vane chekuita nenyaya iyi, kusanganisira anonzi akange ari murume waMemory.

Memory Machaya, uyo akange ane makore gumi nemana, akafa mwedzi wapera achisununguka.

Zvinonzi akachengetwa panzvimbo inopindirwa kereke kuMarange asi amai vake vasingazivi uye rufu rwaMemory rwunonzi rwakavanzirwa mapurisa.

Mugwaro ravo kuvatori venhau, ZHOCD inoti makereke ose anofanirwa kubvuma kuti mumakereke mune zvizhinji zvinonetsa zvinoda kugadziriswa.

Vanoti makereke anofanirwa kurega zvekuviga mazita evanhu vanenge vakanganisa kana kupara mhosva.

Munyori mukuru weZHOCD varizve munyori weZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vaudza Studio7 kuti masangano emakereke aya anokurudzira mapurisa eZimbabwe Republic Police kutaurira vanhu chokwadi pamusoro pezvirikubuda mukuferefeta kwavo nyaya iyi. Vanotivo, vanoda kuti ZRP izivise vanhu kuti akakonzera rufu rwaMemory asungwa here.

ZHOCD inokurudzira kuumbwa kwechikwata chevaongorori vakazvimirira kuti vatarise nyaya dzose dzekumbunyikidzwa nekushungurudzwa kwemadzimai nevanasikana mumakereke.

Mufundisi Mtata vanoti umwe musangano uchaitwa nekukurumidza ndewekukurukura kumiswa kwedzimwe tsika dzinoitwa mumakereke, dzinobva mutsika dzevanhu asi dzisati dzichaenderana nenguva dzemazuva atigere makore ano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG