Accessibility links

Breaking News

Vemakereke Vosangana NaVaChamisa Kukurukura Nezve Nhaurirano Pakati Pavo naVaMnangagwa


VaNelson Chamisa mumusangano nevemakereke

Sangano revakuru vemakereke munyika, reZimbabwe Heads of Christian Denominations, rakaita musangano nemusi weChitatu nevatungamiriri veMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, avo vakange varipovo pamusangano uyu muHarare, pamwe chete nemunyori weMDC, VaCharlton Hwende.

Vakange vakamiririra vakuru vemakereke pamusangano uyu, Mufundisi Doctor Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti chinangwa chemusangano uyu chakange chiri chekuita zvirongwa zvinotambirwa nemativi ese kuti pagozoita hurukuro pakati paVaChamisa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vamwe vakange vari mumusangano uyu vanosanganisira Bishop Eric Ruwona, avo vakange vakamiririra mamwe mabhishopi, naDoctor Kennedy Gondongwe, vakange vakamiririra bhodhi reZimbabwe Council of Churches.

Doctor Mtata vati chinofadza vakuru vemakereke ndechokuti VaChamisa naVaMnangagwa vese vanobvuma kuti panofanirwa kuitwa nhaurirano kuti gwara renyika rigadziriswe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG