Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 03, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 03, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutori wenhau we Daily News, Kenneth Nyangani, anosungwa nemapurisa zvitevera kuburitsa nyaya yekuti Amai Grace Mugabe vakapa vanhu mbatya dzinosanganisira dzemukati dzakambopfekwa.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti danho riri kuda kutorwa nehurumende rekuvhara madandemutande kana kushungurudza vanoashandisa, chinhu chinosvibisa chimiro chenyika

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanosangana muPretoria nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, pamusangano weSouth Africa-Zimbabwe Bi-National Commission.

Madzimai ekuMasvingo anoudza komiti yeparamende inoona nezvebhajeti kuti hurumende inofanirwa kupa bazi rehutano mari yakawanda kuitira kuti vanorwara vasaende kunze kwenyika kunorapwa.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa gakava remarudzi riri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG