Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi…Muvhuro, Mbudzi, 30, 2015


Studio 7 09 Aug
Studio 7 09 Aug

Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heinoi misoro yenhau dzanhasi…Muvhuro, Mbudzi, 30, 2015.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanotaura kumusangano wekuzeya kushanduka kwemamiriro ekunze uri kuitirwa mu Paris kuFrance….

Musangano we International Conference on AIDS and STI’s in Africa, ICASA, unotanga muHarare zvine mutsindo…

Zimbabwe yogadzirira kutambira mangwana mutungamiri weChina, Va Xi Jinping, avo vachange vari munyika svondo rino…

Mazita evatambi gumi nemumwe chete vakatamba nhabvu zvinonwisa mvura gore rino anoburitswa kuti vasarudzwe mumakwikwi e Soccer Star of the Year….

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutaura nezvemusangano we ICASA pamwe nerwendo muZimbabwe rwemutungamiri weChina……

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yevoa Shona.

Misoro Yenhau Dzanhasi…Muvhuro, Mbudzi, 30, 2015
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG