Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi Chivabvu 09, 2016


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mapurisa anosunga vanhu vanga vachida kuratidzira muHarare vachicherechedza kupambwa nekutsakatika gore rapera kwemurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara.

Vanhu votora mari dzavo mumabhanga zvechimbi chimbi vamwe vachityira kuti mari dzavo dzinomedzwa nema bond notes.

Mazita evanhu vanonzi vari kuburitsa mari munyika vachidziisa kumabhanga avo ari mhiri kwemakungwa oburitswa muma Panama Papers,

Gavhuna webhanga guru renyika otaura pamusoro pemirawu yemari yenyika.

Charles Manyuchi osimudza mureza weZimbabwe munyaya dzemutambo wetsiva.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa kusungwa kwaitwa vanhu vanga vachida kurangarira murwiri wekodzero akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats App panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Chivabvu 9, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG