Mapurisa anosunga vanhu vanga vachida kuratidzira muHarare vachicherechedza kupambwa nekutsakatika gore rapera kwemurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara.
Vanhu votora mari dzavo mumabhanga zvechimbi chimbi vamwe vachityira kuti mari dzavo dzinomedzwa nema bond notes.
Mazita evanhu vanonzi vari kuburitsa mari munyika vachidziisa kumabhanga avo ari mhiri kwemakungwa oburitswa muma Panama Papers,
Gavhuna webhanga guru renyika otaura pamusoro pemirawu yemari yenyika.
Charles Manyuchi osimudza mureza weZimbabwe munyaya dzemutambo wetsiva.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa kusungwa kwaitwa vanhu vanga vachida kurangarira murwiri wekodzero akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats App panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.