Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Dzedu Dzanhasi Chivabvu 02, 2016


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mari yoramba ichinetsa kuwana mumabhanga ose emunyika.

Zvikoro zvovhurwa mangwana vabereki vakawanda vachiti havana mari dzechikoro dzevana vavo.

Varairidzi vanotadza kuwana mabhonasi avo avanga vavimbiswa kupera kwaKubvumbi.

Vashandi vanoti hapana chekupemberera zuva revashandi sezvo munyika musina mabasa uye zvinhu zviri kuvaomera.

Madzimai akadzoka kubva kuKuwait owana rubatsiro rwekutsigiswa pfungwa dzavo zvichitevera zvisionekwi zvavakasangana nazvo kuKuwait.

Michirongwa cheLiveTalk tirikutarisa zuva revashandi iro rinouya panguva apo nyika yakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwemabasa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app nhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Kubvumbi 02, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG